Tuesday, April 21, 2015 Local time: 13:35

Nhau / Africa

VaBiti Vanotura Hurongwa hweMari yeGore Rinouya

VaTendai BitiVaTendai Biti
x
VaTendai Biti
VaTendai Biti
Jonga Kandemiiri
Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vatura bhajeti remabhiriyoni matatu nemamiriyoni mazana masere emadhora $3.8 billion semari ichashandiswa nehurumende gore rinouya.

VaBiti vati bhiriyoni rimwe chete remadhora richaenda kudzidzo, ukuwo mazana mana emamiriyoni emadhora achashandiswa nebazi rehutano.

VaBiti vati bhajeti ravatura rakarongwa mushure mekunge vaona zviri kunetsa muhurumende, zvakafanana nekushaikwa kwemabasa, chikafu, uye kushaya vanodyara mari dzavo munyika nezvimwe.

VaBiti vari kukumbirawo dare reparamende kuti zvinhu zvakawanda munyaya dzemari zvivandudzwe, kusanganisirawo mari dzinenge dziri mumabhanga.

Vatiwo nyika inoda mari yakawanda kuitira kuti hupfumi hwenyika huvandudzwe, vakati nyika iri kutenga zvinhu zvakawanda zvekunze, pane zvairi kutengesa kunze kwenyika.

VaBiti vawedzerawo mari yemutero pahwahwa nefodya zvinobva kunze kwenyika, asi vambomisa mutero unobviswa pamotokari dzinenge dzatengwa kunze kwenyika zvikuru dzichashandiswa mumabasa ezvekushanyirwa kwenyika.

Vatiwo mari dzekubatsirikana dziri kupiwa varairidzi nevabereki dzinenge dzisisabatirwi mitero uye vaisawo mari dzine musoro kunyaya dzekurima, dzehutano uye dzidzo.

Nyika yakatarisana nematambudziko makukutu munyaya dzemari zvichitevera kusawanikwa kwemari yakanga yakatarisirwa kubva kumangoda.

Rimwe bandiko rinotarisirwa nehurumende kuti ringangopinza mari muhomwe yenyika ndere kurima, asi rakatadzawo kuwana mari nekuda kwezvikonzero zvakasiyanasiyana.

Vemakambani vatiwo havaoni maindasitiri akavharwa achikwanisa kuvhurwa gore rinouya sezvo mari yaturwa iyi iri shoma zvikuru kuita izvi.

Nyanzvi mune zveupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti hurongwa hwemashindisirwo emari yehurumende uhu hunoratidza kuti zvinhu zvicharamba zvakaoma sezvazvanga zvakaita mugore rino ra2012.

Sachigaro wekomiti yeparemende inoona nezvemari  uye vachimirira Goromonzi North muparamende, VaPaddy Zhanda veZanuPF, vanotiwo vatambira nemufaro hurongwa hwaVaBiti uhu, kunyange hazvo nyika iri kukamhina.

Hurukuro naVaPaddington Zhanda pamwe naVaProsper Chitambara
Hurukuro naVaPaddington Zhanda pamwe naVaProsper Chitambarai
|| 0:00:00
...    
🔇
X

You May Like

Amai Chikasha Voshora Hurumende Zvichitevera Mhirizhonga muSouth Africa

Mutungamiriri webato rinopikisa reAfrican Democractic Party, Amai Merceline Chikasha, vanoti kunyange hazvo vachishora hurumende yeSouth African nekushungurudzwa kuri kuitwa zvizvarwa zvekune dzimwe nyika mukati menyika iyi, vanoshorawo hurumende yeZimbabwe nekutadza kupa vanhu mabasa kuitira kuti vasaende kunze kwenyika. Onai zvimwe

Zanu-PF Yoita Zinyekenyeke

Zvinhu mubato reZanu-PF zvaramba zvakaita manyama amire nerongo sezvo mubato musina kuwirirana kuti poitwa sei nenhengo dzebato iri dzinonzi dzaitsigira vaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru. Onai zvimwe

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe

VaMugabe Voshora VaChinamasa Pamusoro peBhonasi reVashandi veHurumende

Dzimwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika dzinoti kupesana kwemashoko kwave kubuda muhurumende pamusoro penyaya yebhonasi yevashandi vehurumende kunoratidza kusabatana pamwe kuri kuitwa nevatungamiri. Onai zvimwe
Live Talk

Live Talk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Schedule: Monday-Friday Local Time: 8:30-9:00 p.m. UTC Time: 1830-1900 Duration: Weekdays: 30 minutes
Indaba Ndebele

Indaba Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
English

English

Studio 7 has been providing Zimbabwe with objective, reliable and balanced radio news broadcasts since 2003 and has become a highly valued alternative point of reference on the airwaves for many thousands of Zimbabweans. Studio 7 covers politics, civil society, the economy, health, sports, music, the arts and other aspects of life in Zimbabwe. Studio 7 in Shona, English and Ndebele can be heard each Monday through Friday evening in Zimbabwe and elsewhere in the Southern African region from 7 p.m. to 8:30 p.m. followed by LiveTalk with hosts Blessing Zulu and Gibbs Dube from 8:30 to 9 p.m. On Saturday and Sunday Studio 7 news runs for an hour from 7 to 8 p.m. Studio 7 broadcasts at 909 on the AM or medium wave band, and on shortwave on the 4930, 7210 and 12120 kiloHertz frequencies. Listeners in the Harare region in particular may experience jamming on 909 AM. Studio 7 can also be received on free-to-air satellite devices during our normal time slot of 7 to 9p.m. and as a repeat of the Shona, English and Ndebele news programs plus LiveTalk from 9:00 to 11:00 p.m. Tune to Studio 7 on Intelsat 10, Virtual Channel (VC) 23. The channel is called VOA Southern Africa and carries other VOA language broadcasts including English, Portuguese and French. The downlink frequ3ency is 12.602 mHz and the symbol rate is 26.6. Downlink polarization is V or vertical. FEC or forward error correction is 1/2. Schedule Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m. Local Time: 7-9 p.m. UTC Time: 1700-1900 Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour
Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nhau dzeShona Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700 Nguva yeChirongwa 30
Indaba Ndebele

Indaba Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
English

English

Studio 7 has been providing Zimbabwe with objective, reliable and balanced radio news broadcasts since 2003 and has become a highly valued alternative point of reference on the airwaves for many thousands of Zimbabweans. Studio 7 covers politics, civil society, the economy, health, sports, music, the arts and other aspects of life in Zimbabwe. Studio 7 in Shona, English and Ndebele can be heard each Monday through Friday evening in Zimbabwe and elsewhere in the Southern African region from 7 p.m. to 8:30 p.m. followed by LiveTalk with hosts Blessing Zulu and Gibbs Dube from 8:30 to 9 p.m. On Saturday and Sunday Studio 7 news runs for an hour from 7 to 8 p.m. Studio 7 broadcasts at 909 on the AM or medium wave band, and on shortwave on the 4930, 7210 and 12120 kiloHertz frequencies. Listeners in the Harare region in particular may experience jamming on 909 AM. Studio 7 can also be received on free-to-air satellite devices during our normal time slot of 7 to 9p.m. and as a repeat of the Shona, English and Ndebele news programs plus LiveTalk from 9:00 to 11:00 p.m. Tune to Studio 7 on Intelsat 10, Virtual Channel (VC) 23. The channel is called VOA Southern Africa and carries other VOA language broadcasts including English, Portuguese and French.

Facebook