Accessibility links

Breaking News

MDC-T Yovimbisa Kupikisa Bhiri reSarudzo


Mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora
Mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora
Bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti richatora matanho akasimba ekupikisa bhiri rezvesarudzo (Electoral Amendment Bill) iro rakapasiswa nenhengo dzeZanu PF mudare reseneti neChitatu.

Bato iri rinoti bhiri rezvesarudzo iri rakapasiswa zviri kunze kwebumbiro idzva remitemo yenyika uye Zanu PF yakaita chikiribidi mukurifambisa kusvika ranzi rapasa.

Mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora, vanoti bhiri iri riri kuda kubvumidza zvinhu zvinosanganisira zvekuti vanhu vavhote vachishandisa posvo (postal voting), kurambidza vari kunze kwenyika kuvhota musarudzo uye kurambidza vanenge vachikwikwidza musarudzo kuona gwaro revavhoti, izvo vanoti zviri kupikisana nebumbiro idzva remitemo yenyika.

VaMwonzora vanotiwo zvimwe zviri kuda kuitwa nebhiri iri kuramba kushandura mitemo yekunyoreswa kwevanhu kuti vazove vavhoti, kuitira kuti ifambidzane nebumbiro renyika.

Vanoti vachatanga kutora matanho pachangoendeswa bhiri iri kune mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemutauriri weparamende, VaJacob Mudenda, kuti vari saine kuti rive mutemo.

Bhiri iri rakatanga rapinda mudare reseneti risati rapinda mudare reparamende, umo rave kutarisirwa kuenda risati raenda kuna VaMugabe.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Asi mukokeri wenhengo dzeZanu PF muparamende, VaJoram Gumbo, vanoti danho riri kuda kutorwa neMDC-T iri harina musoro sezvo bhiri iri rakapinzwa mudare iri zviri pamutemo.

VaGumbo vanoti zviri kuitwa nebato rinopikisa iri zvinoratidza kusanzwisisa mafambiro anoita mabhiri mumatare eparamende neseneti, sezvo nhengo dzeMDC T idzi dzakarega bhiri iri richipfuura dzisina kupikisa.

Vanotiwo vanotarisira zvakare kuti bhiri iri richapfuura zvisina dambudziko mudare reHouse of Assembly risati raenda kuna VaMugabe.
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG