Accessibility links

Breaking News

PTUZ Inosangana neGurukota reDzidzo, VaDokora


Gurukota rezvedzidzo VaLazarus Dokora
Gurukota rezvedzidzo VaLazarus Dokora

Rimwe remasangano evarairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti rakaita musangano negurukota rezvedzidzo yepasi neyepamusoro, VaLazarus Dokora, vakakurukura nyaya dzakawanda dzinonzi dziri kukanganisa mafambisiriwo ebasa munyaya dzedzidzo.

Munyori mukuru wePTUZ, VaRaymond Majongwe, vanoti vakakwanisa kunzwisisa kubva kuna VaDokora kuti zvimwe zvinhu zvavanga vachinzwa sesangano zvakaita sekuti sangano ravo harichabvumidzwi kupinda muzvikoro zvakatoshamisawo VaDokora.

VaMajongwe vanoti vakakwanisa kunzwisisawo nezvenyaya yanga yotyisa varairidzi vakawanda yekuti vasina zvidzidzo zvemasvomho, Chirungu neScience vachamanikidzwa kudzokera kuchikoro kuti vange vachiita zvidzidzo izvi.

Vanoti panyaya iyi VaDokora vakavazivisa kuti bazi ravo rakawana vanoda kubatsira varairidzi vanoda kuenderera mberi nedzidzo, kwete kuti vachamanikidza vanhu kudzokera kuchikoro.

Imwe nyaya yavanoti vakajekeserwa naVaDokora ndeyekuti zvikoro hazvina kumbobvira zvarambidzwa kuita mitambo yazvo pakati pesvondo.

PTUZ yakanga yakumbira kusangana naVaDokora ichida kujekeserwa zvakawanda zvainoti yainyunyuta nazvo.

Sangano iri rakakumbirawo zvakare kusangana nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

VaMajongwe vanoti sangano ravo richaenderera mberi nekutsvaga mvumo yekuti vasangane naVaMugabe, kunyange hazvo vasangana naVaDokora.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG