Sunday, October 26, 2014 Local time: 08:25

Nhau / Africa

Zimbabwe Yotengesa Mangoda Ayo Isingatariswi

x
Jonga Kandemiiri
Musangano weKimberley Process, KP, uri kuitirwa muWashington D.C kuno muAmerica wabvumidza Zimbabwe kutengesa mangoda ayo isingaongororwe.

Dare reWorking Group on Monitoring resangano reKP, sachigaro waro iri European Union, rinonzi rakawirirana neChipiri kuti vari kuongorora mafambisirwo ekutengeswa kwemangoda ekwaMarange pari zvino, VaMarc Van Bockstael, vachimira kuita izvi, sezvo Zimbabwe yaratidza kuti iri kuzadzisa zvakatarwa neKP kuitira kuti ikwanise kubvumidzwa kutengesa mangoda ayo isina vanoitarisa.

Musangano uyu unonziwo uchiri kuzeya nyaya yekuti chii chinonzi mangoda eropa, uye kuti mangoda eZimbabwe angapinzwa here muchikwata chenyika dzinonzi dzine mangoda eropa.

Musangano weKP unopera neChishanu apo nyaya yeZimbabwe ichaburitswa zviri pamutemo.

Hurumende iri kumirirwa negurukota rezvemigodhi, VaObert Mpofu, vachitsigirwa nemuchuchisi wehurumende, VaJohannes Tomana, pamwe nasachigaro weZimbabwe Mining Development Corporation, Va Godwills Masimirembwa.

Sachigaro weResources Exploitation Watch, VaTafadzwa Musarara, avo vari kupindawo musangano uyu vanoti kupiwa mvumo kweZimbabwe kunoratidza kuti yakwanisa kuzadzisa zviga zvayakanga yatemerwa kunzi izadzise.

VaMusarara vanoti zviri kufadza zvikuru kuti Zimbabwe yapiwa mvumo iyi uye kuti makambani ari kuchera mangoda kwaMarange ari kushanda achitevera mitemo yakatarwa nekukwanisa kuizadzisa.

Asi vanorwira kodzero dzevanhu vachitarisa zviri kuitika kwaMarange uye vari mukuru weCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti kupiwa kweZimbabwe mvumo yekutengesa mangoda ayo isina vanoitarisa kuchareva kuti mangoda akawanda achatengeswa pamisika yekunze, uye hapana mari yakawanda ichapinda muhomwe yehurumende.

Hurukuro naVaFarai Maguwu pamwe naVaTafadzwa Musarara
Hurukuro naVaFarai Maguwu pamwe naVaTafadzwa Musararai
|| 0:00:00
...
 
🔇
X

You May Like

Nziyo Dzovaraidza Vamwe Munguva yeNhamo muRedcliff

Vamwe vaimbi vechidiki vanogara mumusha weTorwood mudhorobha reRedcliff vave kuita mukurumbira nekuda kwekuimba nezvematambudziko akatarisana nevagari vemunzvimbo iyi nenyaya yekusashanda kwekambani yeNewZimsteel iyo yaimboziikanwa ichinzi Zisco. Onai zvimwe

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe

Amai Mugabe Votsigira VaMnangagwa Vachishora Amai Mujuru

Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, vabuda pachena neChina kuti vari kutsigira chikwata chiri kutangamirwa negurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa. Onai zvimwe

Crisis in Zimbabwe Coalition Yozeya Matambudziko Ayo

Sangano reCrisis in Zimbabawe Coalition raita musangano unonzi wanga wakakosha zvikuru wekuzeya matambudziko anonzi ari kukanganisa kufamba zvakanaka kwesangano iri Onai zvimwe
Ndebele

Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
Studio 7

Studio 7

Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days a week on AM, shortwave and satellite
 

Schedule: Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m.

Local Time: 7-9 p.m.

UTC Time: 1700-1900

Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour

Listen: MP3

Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu

Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00

UTC Time: 1700

Nguva yeChirongwa 30

Tererai МР3 | Windows Media

LiveTalk

LiveTalk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate.

Schedule:

Monday-Friday

Local Time: 8:30-9:00 p.m.

UTC Time: 1830-1900

Duration: Weekdays: 30 minutes

 

Ndebele

Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
Studio 7

Studio 7

Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days a week on AM, shortwave and satellite
 

Schedule: Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m.

Local Time: 7-9 p.m.

UTC Time: 1700-1900

Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour

Listen: MP3

Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu

Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00

UTC Time: 1700

Nguva yeChirongwa 30

Tererai МР3 | Windows Media


  • Studio 7
    20 min

    Studio 7

    Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days...

  • LiveTalk
    30 min

    LiveTalk

    Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals...

Facebook