Accessibility links

Breaking News

Zvinhu Zvinobva Kunze kweNyika Zvoomesera Makambani Ari Munyika


Map of Zimbabwe
Map of Zimbabwe
Sangano reConfederation of Zimbabwe Industries, CZI, rinoti remangwana remakambani anogadzira zvinhu munyika harina kujeka, sezvo makambani aya ari kuramba achideredza huwandu hwezvigadzirwa zvawo nekuda kwekuoma kwezvinhu.

Mugwaro reongororo yakaitwa nesangano iri, CZI inoti kushandiswa kwemafekitari kwakadzikira kubva pazvikamu makumi mashanu nezvinomwe kubva muzana kuenda pazvikamu makumi mana neina kubva muzana mugore rino ra2012.

CZI inoti zvimwe zvezvinhu zvakakonzera kudzikira uku huwandu hwezvinhu zvinobva kunze zviri kupinda munyika, izvo zviri kuuraya hupenyu hwemafekitari.

Zvimwe zvinonzi nesangano iri zviri kukonzera matambudziko mitemo yezvemabhizimusi iyo rinoti haina kujeka zviri kuita kuti vanoda kutanga mabhizimusi munyika vatye kuita izvi.

Nyanzvi mune zveupfumi uye vachitungamira sangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vanoti hurumende inokwanisa kumisa dambudziko rekupinzwa kwezvinhu kubva kunze kuburikidza nekudzika mitemo inorambidza vekunze kurasira zvinhu zvavo muZimbabwe.

Sangano reEuropean Commission rakatotanga kutora matanho nekubhadharisa mari dziri pamusoro makambani ekuChina neThailand anotengesera nhengo dzaro midziyo yemumba kana achida kupinza zvigadzirwa zvawo muEurope.

European Commission inoti danho iri richaderedza huwandu hwezvinhu zviri kurasirwa mudunhu raro, izvo zvichamutsiridza makambani emuEurope anogadzira zvigadzirwa zvakaita sezviri kutengeswa nenyika idzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG