Wednesday, January 28, 2015 Local time: 22:11

Nhau / Africa

Machechi Oronga Kuratidzira Achishora Huwori

x
Jonga Kandemiiri
Masangano emachechi ekumatunhu eBulawayo neMatabeleland ari kutarisirwa kufora muguta reBulawayo nemusi weChina senzira yekuratidza kusafarira kwawo huwori uhwo hunonzi hwadzika midzi munyika.

Boka rinorwisa huwori, reZimbabwe Anti-Corruption Commission, riri kutarisirwawo kuve pachiitiko ichi.

Vatendi vari pasi pemasangano anoti Evangelical Fellowship of Zimbabwe, Zimbabwe Christian Alliance, Zimbabwe Council of Churches, pamwe nevanobva kuzvitendero zvepositori vari kutarisirwa kuisawo mazwi avo muhondo yekurwisa huwori, muchiitiko chinouya mushure mekucherechedzwa kwezuva rekuramba huwori pasi rose, reIntrenational Anti-Corruption Day, iro rakacherechedzwa musi wa 9 Zvita.

Kumwe kuratidzira kwakadai kwakaitika muHarare nemusi weMugovera.

Mukuru weChrist Assemblies Fellowship, uye vari mumwe wevari kuronga nezvekuratidzira uku, Reverend Trust Macheka, vati chinangwa chavo ndechekubvisa tsika yehuwori iyo yoita sechimwe chinhu chinonzi munhu haagoni kurarama kana asina.

Ongororo yakaitwa nesangano reTransparency International yakaratidza kuti Zimbabwe imwe yenyika dzine huwori huri hwakanyanya uye sangano iri rakakurudzira hurumende kuti itore matanho mukurwisana nechirwere ichi.

Hurukuro naReverend Trust Macheka
Hurukuro naReverend Trust Machekai
|| 0:00:00
...    
🔇
X

You May Like

Dare Rinoti Mapurisa Asangoita Tsika yeKusunga Vanonzi Vanenge Vanonyomba VaMugabe

Dare repamusoro soro neChitatu rakarasa nyaya ina dzange dzakwidzwa kudare iri dzevanhu vange vachipomerwa mhosva yekutuka mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe. Onai zvimwe

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe

AU Yoita Chibvumirano neChina Chekuvaka Njanji, Migwagwa neNhandare dzeNdege

Chibvumirano ichi chanyoreranwa pasi nasachigaro we African Union Commission, Amai Nkosazana Dlamini-Zuma, pamwe nenhumwa yeChina ku Africa, uye vari mutevedzeri wegurukota rinoona nezvekunze kweChina, Va Zhang Ming. Onai zvimwe

VaMugabe Vangatungamire AU neSADC Zvisina Dambudziko?

African Union, iyo iri kuita musangano kuAddis Ababa, Ethiopia iri kutarisirwa kudoma VaMugabe sasachigaro sezvo pari zvino vari mutevedzeri wasachigaro. Onai zvimwe

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe
LiveTalk

LiveTalk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate.

Schedule:

Monday-Friday

Local Time: 8:30-9:00 p.m.

UTC Time: 1830-1900

Duration: Weekdays: 30 minutes

 

Ndebele

Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
Studio 7

Studio 7

Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days a week on AM, shortwave and satellite
 

Schedule: Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m.

Local Time: 7-9 p.m.

UTC Time: 1700-1900

Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour

Listen: MP3

Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu

Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00

UTC Time: 1700

Nguva yeChirongwa 30

Tererai МР3 | Windows Media


Facebook