Friday, October 31, 2014 Local time: 07:36

Nhau / Africa

NCA Inoendesa VaMugabe, ZEC kuMatare

NCA inoti VaMugabe ndivo vakazivisa nezvezuva richaitwa sarudzo dzereferendamuNCA inoti VaMugabe ndivo vakazivisa nezvezuva richaitwa sarudzo dzereferendamu
x
NCA inoti VaMugabe ndivo vakazivisa nezvezuva richaitwa sarudzo dzereferendamu
NCA inoti VaMugabe ndivo vakazivisa nezvezuva richaitwa sarudzo dzereferendamu
Jonga Kandemiiri
Magweta ari kumirira sangano rinorwira kuti munyika muve nebumbiro idzva, reNational Constitutional Assembly, NCA, aendesa magwaro echimbichimbi kudare repamusoro reHigh Court achida kuti rimanikidze hurumende kuti iwedzere nguva yakapiwa vanhu kuti vazeye pamwe nekuona gwaro idzva rebumbiro remitemo risati raenda kureferendamu.

Magweta ari kumirira sangano iri  eMbidzo, Muchadehama and Makoni anoti asvitsa mapepa echimbichimbi aya kudare pamwe nekumutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, avo vakazivisa nezvezuva richaitwa referendamu, uye kumahofisi eZimbabwe Electoral Commission (ZEC) iyo ichatungamira hurongwa hwesarudzo dzacho.

VaMugabe vakazvisa kuti referendamu ichaitwa musi wa 16 Kurume, izvo zviri kupa vanhu mwedzi mumwechete chete wekuti vaone nekunzwisisa zviri mugwaro iri, izvo zvinonzi nerimwe remagweta ari kumirira NCA, VaAndrew Makoni zviri kupikiswa neNCA.

Zvichakadaro,  komiti iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro remitemo yenyika, yeCOPAC, inonzi yapererwa nemagwaro ebumbiro remitemo azere, izvo zvaita kuti itange kudhinda magwaro ebumbiro idzva iri muchidimbu kana kuti summary.

Mumwe wemasachigaro eCOPAC, VaDouglas Mwonzora vanoti nekuda kwekudhura kuri kuita kudhinda gwaro rese rebumbiro rizere, vaona zvakakodzera kuti vachidhinda muchidimbu, vachiunganidza zvavanofunga kuti zvine basa zvingada kuverengwa neveruzhinji.

Gwaro rizere rebumbiro rine mapeji anoita zana nemakumi manomwe ane matatu, asi VaMwonzora vanoti gwaro duku iri richange riine mapeji angangosvika makumi maviri chete.

NeMuvhuro COPAC yakatumira zvikwata zvayo nemagwaro azere anoita zviuru makumi mapfumbamwe mumatunhu ose emunyika, ayo achaonekwa nevanoda kunzwa zviri mubumbiro idzva iri.

Magwaro aya anonzi achange achichengeterwa munzvimbo dzakaita sezvikoro, makiriniki nemahofisi avanamudzviti, uko veruzhinji vanokwanisa kunoaona. Magwaro arerutswa aya anonziwo ari kutarisirwa kubuda svondo rino.

Hurukuro naVaAndrew Makoni
Hurukuro naVaAndrew Makonii
|| 0:00:00
...
 
🔇
X

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora
Hurukuro naVaDouglas Mwonzorai
|| 0:00:00
...
 
🔇
X

You May Like

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe

Dzimwe Nhengo dzeZanu PF Dzinoratidzira Dzichitsigira Amai Mugabe

Zvinhu zvinonzi zvaita manyama amire nerongo mubato reZanu PF zvichitevera kuratidzira kwaitwa nenhengo dzebao iri muHarare. Onai zvimwe

South Africa Yobvuma Kuferefeta Vatyori veKodzero muZimbabwe?

Hurumende yemuSouth Africa inoti ichatevedza mutongo waturwa neChina nedare repamusoro soro wekuti mapurisa emunyika iyi pamwe nevachuchisi vehurumende vanosungirwa nemutemo wenyika kuferefeta mhosva dziri kupomerwa vamwe vakuru vakuru muhurumende yeZimbabwe. Onai zvimwe

Mash Central Yobvunza VaMugabe Chavakanyararira Mudzimai Wavo Achituka Amai Mujuru

Vamwe vatsigiri ve Zanu PF mudunhu re Mashonaland Central vanoti havasi kufara nekunyarara kwakaita mutungamiri webato ravo, VaRobert Mugabe, zvichitevera kushoropodzwa kwakaitwa mutevedzeri wemutungamiri webato, Amai Joice Mujuru naAmai Grace Mugabe. Onai zvimwe
LiveTalk

LiveTalk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate.

Schedule:

Monday-Friday

Local Time: 8:30-9:00 p.m.

UTC Time: 1830-1900

Duration: Weekdays: 30 minutes

 

Ndebele

Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
Studio 7

Studio 7

Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days a week on AM, shortwave and satellite
 

Schedule: Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m.

Local Time: 7-9 p.m.

UTC Time: 1700-1900

Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour

Listen: MP3

Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu

Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00

UTC Time: 1700

Nguva yeChirongwa 30

Tererai МР3 | Windows Media


  • LiveTalk
    30 min

    LiveTalk

    Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals...

  • Studio 7
    30 min

    Studio 7

    Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days...

Facebook