Friday, November 28, 2014 Local time: 04:01

Nhau / Africa

Nyanzvi Dzopesana Maonero Adzo Zviri Mugwaro reBumbiro Idzva

VaMunyaradzi GwisaiVaMunyaradzi Gwisai
x
VaMunyaradzi Gwisai
VaMunyaradzi Gwisai
Jonga Kandemiiri
Nyanzvi munyaya dzemitemo dziri kupesana zvikuru pamanyorerwo akaitwa gwaro rebumbiro idzva remitemo yenyika, vamwe vachiti chikamu chinobata nyaya yeminda, hachina kunyorwa zvakanaka nekuti hachina kodzero dzevanhu vaishanda mumapurazi evachena akatorwa nehurumende achipihwa vanhu vatema.

Asi vamwewo vanoti bumbiro iri rine zvakanaka zvarakaita zvikuru pakuendesa masimba evhu kuvatema, sezvo richiisa ivhu mumaoko evatema.

Kunyange hazvo chikamu chegumi nenhanhatu chebumbiro rakanyorwa neCOPAC chichinzi chakanangana nekugadzirisa mhosho munyaya dzevhu dzakakonzerwa nehupambepfumi  nechinangwa chekuti mwana wese weZimbabwe, awane cheuviri muzviwanikwa pamwe nevhu, mamwe mapoka akaita semadzishe akatotanga kare kuchema achiti bumbiro idzva iri harisi kuvapawo masimba ekugova ivhu.

Bato reZanu PF rakaedza kunyaradza madzishe aya richiti zvichemo zvavo pamwe nezvimwe, zvichagadziriswa kana sarudzo dzapfuura nehurumende inenge yavepo.

Mamwe masangano akaita sere International Socialist Organisation, ISO, neNational Constitutional Assembly, NCA, ari kushorawo bumbiro iri achiti harina kubva muvanhu sezvakanga zvakatarisrwa kwemakore ose adarika aya.

ISO inoti bumbiro iri riri kutarisa vebato rimwe chete vakakwanisa kutora minda yevachena, uye kuita kuti vachena vekunze ava varipirwe minda yavo yakatorwa, asi pasina zviri kuitirwa vana veZimbabwe vaishanda pamapurazi akatorwa pasi pechirongwa chekugova minda, avo vakasiiwa pachena.

Imwe nyaya inonzi nesangano iri haineyi neveruzhinji inyaya yekuumbwa kwekomisheni ichange ichiona nezveminda, yeLand Commission.

Mukuru anoona nezvekufambiswa  kwemabasa muISO, VaMunyaradzi Gwisai, vanoti masimba acharamba ari kumutungamiri wenyika pakudoma makomishina achapinda mukomisheni iyi, uye komisheni iyi ichange isina masimba asi kuti ichange iripo chete kuzadzisa zvinenge zvatarwa negurukota rezveminda.

Asi mumwe wemasachigaro eCOPAC, VaDouglas Mwonzora veMDC T, vanoti bumbiro iri rakanakira vana veZimbabwe zvikuru sezvo richange richivapa mukana wekuwana magwaro anovapa masimba paminda yavo.

Vanotiwo mutema akatorerwa purazi rake acharipwa mari yeminda pamwe nezvivakwa zvake, asi muchena wekunze akatorerwa purazi acharipwa chete mari yezvivakwa zvake.

You May Like

VaChinamasa Vanotura Bhajeti re$4,1 Billion Kuti Ritambirwe neParamende

Vachitura muparamende hurongwa hwavari kuda kuti hushandiswe pamari yehurumende gore rinouya, Chinamasa vati hupfumi hwenyika hauna kumira zvakanaka uye bhajeti iri harina kunyanyosiyana nere gore rino. Onai zvimwe

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe

Zanu PF Central Committee Yozeya neChishanu Kuvandudzwa kweBumbiro reBato

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, uye vachishanda vakazvimirira, VaCharles Mangongera, vanoti nemamiriro akaita zvinhu muZanu PF, havaoni Central Committee ichiramba kutambira zvakasungwa nePolitburo. Onai zvimwe

Nyanzvi Dzozeya Bhajeti Raturwa naVaChinamasa

Zvakabuda mubhajeti neChina zviri kuratidza kuti vanhu vakawanda munyika vari kuramba vachirasikirwa nemabasa zvopa kuti vanonge svosve nemuromo. Onai zvimwe
LiveTalk

LiveTalk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate.

Schedule:

Monday-Friday

Local Time: 8:30-9:00 p.m.

UTC Time: 1830-1900

Duration: Weekdays: 30 minutes

 

Ndebele

Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
Studio 7

Studio 7

Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days a week on AM, shortwave and satellite
 

Schedule: Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m.

Local Time: 7-9 p.m.

UTC Time: 1700-1900

Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour

Listen: MP3

Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu

Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00

UTC Time: 1700

Nguva yeChirongwa 30

Tererai МР3 | Windows Media


Facebook