Accessibility links

Breaking News

NCA Yoshora Mashoko aVaChinamasa Pamusoro peGwaro reBumbiro Idzva


Sangano rinorwira kuti munyika kuti muve nebumbiro idzva remitemo yenyika rinobva muvanhu, reNational Constitutional Assembly, NCA, riri kushora zvikuru mashoko akataurwa nemutevedzeri wemunyori anoona nezvemitemo muZanu PF, uye vari gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, ekuti nhengo dzavo dzisateerera vemasangano akazvimirira vanenge vachida kudzidzisa vanhu nezvebumbiro remitemo idzva.

Vachitaura pamusoro pebumbiro idzva iri nemusi weSvondo muHarare, VaChinamasa vakaudza nhengo dzavo kuti dzisabvumidza vekunze kuvadzidzisa nezvebumbiro vachiti vanovarasisa.

VaChinamasa vakatiwo mamwe masangano akazvimirira aya anenge aine zvimwe zvinangwa zvaakaviga nekudaro anofanirwa kungwarirwa.

Asi sachigaro weNCA, Professor Lovemore Madhuku, vanoti nekuziva kwavanoita vatsigiri veZanu PF, mashoko aVaChinamasa iwayo achaonekwa seanoreva kuti vemasangano aya vasatobvumidzwa munharaunda dzakawanda dzine vatsigiri vewZanu PF.

Sangano reNCA riri kukurudzira veruzhinji kuramba kutambira bumbiro remitemo idzva iri pareferendamu richiti harina kubva muvanhu uye rakaita zvekuwiriranwa pakati pemapato ari muhurumende yemubatanidzwa.

Mapato eZanu PF neMDC T akatotanga kare kudzidzisa nhengo dzawo pamusoro pegwaro rebumbiro idzva iri uye kudzikurudzira kuti dziritambire pareferendamu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG