Accessibility links

Breaking News

VaChinamasa Vobvongonyodza Zvanga Zvawiriranwa paBumbiro Idzva


Kupedzwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika kwanga kwambovimbiswa nevari kutungamira chirongwa ichi kuti kwaigona kuitwa Chitatu manheru kunonzi hakuna kuzobudirira mushure mekunge vari kumirira bato reZanu PF varamba kusaina gwaro rekuti vawirirana zvose zvanga zvichinetsa.

Vari kumirira Zanu PF mukakomiti kaduku kakatumwa kuongorora zvinetswa zvakabva kuSecond All Stakeholders Conference, uye vari gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, ndivo vanonzi vazoramba kusaina gwaro rekupeta chirongwa ichi vachiti havachawirirana nenyaya yekuendeswa kwemasimba kumatunhu kana kuti devolution, chinove chimwe chezvinhu zvitanhatu zvanga zvichinetsa izvo zvanga zvazonzi neCOPAC zvawiriranwa masikati eChipiri.

Kakomiti aka kakatanga kusangana neMuvhuro kakatarisa zvinetswa zvose kakazosangana zvakare neChipiri masikati pakakawiriranwa kuti masachigaro eCOPAC achinyore gwaro rekupeta zvese zvavanga vachikurukura.

Vane ruzivo nezvaitika mumusangano wemasikati eChitatu vanoti VaChinamasa vapotsa varwisana nemumwe wavo muZanu PF uye vari mumwe wemasachigaro eCOPAC, VaMunyaradzi Paul Mangwana, mushure mekunge VaChinamasa vapomera VaMangwana mhosva yekuvazvidza.

Mushure mekusangana kwavambenge vaita masikati, gurukota rezvebumbiro nemabasa eparamende, VaEric Matinenga, vambenge vati kakomiti kaduku aka, ako kane vanhu vanomwe, kawirirana pane zvose zvitanhatu zvanga zvasara zvichinetsa.

VaMatinenga vanga vati vave kutarisira kuwirirana pavaizosangana manheru kuti vachiongorora pamwe nekupasisa gwaro rezvose zvawiriranwa izvi, izvo zvisina kuzokwanisika.

Gwaro iri ranga richitarisirwa kusvitswa kuvatungamiri vemapato ari muhurumende neChina, avo vanga vachazozivisa matanho achazotorwa pakuendesa mberi chirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva, icho chave mumashure zvakanyanya.

Zvinonzi komiti iyi ichangoenderera mberi nekusangana nevatungamiri ava neChina asi isina gwaro raichavapa sezvo pasina chasungwa.

Pamusangano wavo weMuvhuro vatungamiri vemapato ava vakakomekedzawo kuti komiti iyi ipedza basa rayo neChina, kuwirirana kana kusawirirana pane zviri kunetsa.
XS
SM
MD
LG