Saturday, December 20, 2014 Local time: 17:03

Nhau / Africa

Zanu PF Yobvongonyodza Kunyorwa kweBumbiro Idzva?

x
Jonga Kandemiiri
Nyaya yebumbiro remitemo idzva inenge icharamba ichinetsa zvichitevera danho idzva rave kutorwa nebato reZanu PF rekuti zvinetswa zvichiri kuda kugadziriswa zvinosvika makumi matatu, izvo Zanu PF inoti inoda kuti zvitange zvawiriranwa pasati pataurwa nezvegwaro rebumbiro.

Mumwe wemasachigaro eCOPAC, vachimirira Zanu PF, VaPaul Mangwana, vanoti kunyange hazvo bato ravo rine chido chekuti munyika muve nebumbiro idzva, harisi kuzotambira bumbiro risingaremekedzi zvakarwirwa nevanhu kuti nyika isununguke, zvakaita sekuendeswa kwemasimba kumatunhu nezvimwe.

Mashoko aimbobuda airatidza kuti misaridzirwa yaive mitanhatu chete, kwete makumi matatu ave kutaurwa neZanu PF aya.

VaMangwana vanoti vari kutarisira kusangana neMuvhuro kuitira kuti vagadzirise nyaya idzi, asi vazivisa kuti kana zvisina kuwiriranwa hapana bumbiro richabuda, zvichireva kuti sarudzo dzinenge dzoitwa nebumbiro riripo.

Muna Chikunguru, VaMangwana vakambobuda vachizvirova dundundu vachizivisa vana veZimbabwe kuti vakanga vapedza basa rebumbiro idzva uye vaigutsikana nezvavakanga vaita.

Asi gurukota rezvebumbiro nemabasa eparamende, VaEric Matinenga, vanoti havazivi kuti zvinetswa makumi matatu zvave kunzi neZanu PF zviripo izvi zvakabva kupi, asi vatenda kuti pachine zviri kutadza kuwiriranwa, kunyange hazvo vasina kubuda pachena kuti zvingani.

Hurukuro naVaMunyaradzi Paul Mangwana
Hurukuro naVaMunyaradzi Paul Mangwanai
|| 0:00:00
...    
🔇
X

Hurukuro naVaEric Matinenga
Hurukuro naVaEric Matinengai
|| 0:00:00
...    
🔇
X

You May Like

Nyanzvi Dzinoti Zimbabwe Ngaitaurirane neBhanga Guru Repasi Rose

Zimbabwe ine zvikwereti zvekunze kwenyika zvinodarika mabhiriyoni mapfumbamwe ane zviuru zvipfumbamwe zvemadhora. Onai zvimwe

Vana Chiremba Vakaramwa Mabasa Vobatirwa Mari neHurumende

Sangano rinomirira vana chiremba vemuzvipatara zvehurumende, reZimbabwe Hospital Doctors Association, rinoti ranyorera tsamba kudare remakurukota richinyunyuta nekubatirwa mari kwaitwa nhengo dzesangano iri. Onai zvimwe

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe
LiveTalk

LiveTalk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate.

Schedule:

Monday-Friday

Local Time: 8:30-9:00 p.m.

UTC Time: 1830-1900

Duration: Weekdays: 30 minutes

 

Ndebele

Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
Studio 7

Studio 7

Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days a week on AM, shortwave and satellite
 

Schedule: Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m.

Local Time: 7-9 p.m.

UTC Time: 1700-1900

Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour

Listen: MP3

Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu

Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00

UTC Time: 1700

Nguva yeChirongwa 30

Tererai МР3 | Windows Media

LiveTalk

LiveTalk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate.

Schedule:

Monday-Friday

Local Time: 8:30-9:00 p.m.

UTC Time: 1830-1900

Duration: Weekdays: 30 minutes

 

Ndebele

Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday

Facebook