Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Inoti Ichadzidzisa Nhengo Dzayo zveReferendamu


Bato reZanu PF rinoti richatanga kudzidzisa nhengo dzaro pamusoro pereferendamu yegwaro rebumbiro idzva remitemo yenyika, kana komiti yeCOPAC iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro iri yangopedza basa rayo uye gwaro iri rapasiswa neparamende.

Mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vanoti dzidziso yavachapa kunhengo dzavo ichabva mune zvinenge zvabuda mugwaro rebumbiro, zvakaita sekutambira bumbiro iri kana kuriramba.

Pane mashoko ekuti bato iri rakatoisa parutivi mari inoita mazana matanhatu ezviuru zvemadhora iyo ichashandiswa muchoringwa chedzidziso ichi, kunyange hazvo VaGumbo varamba kutaura kuti bato ravo rine marii yekushandisa muchirongwa ichi.

Zanu PF yakasunga kumusangano wayo wakapera kuGweru mukupera kwesvondo kuti bumbiro remitemo richabuda muhurongwa uhwu rinofanirwa kutevera zvakataurwa nevanhu panguva yekunzwa pfungwa dzavo.

Bato iri rakasungawo zvakare kuti kana bumbiro remitemo rikasapera zororo rekisimusi risati raitwa, mutungamiri waro, uye vari mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachaparadza paramende voshevedzera sarudzo pasi pebumbiro riripo iye zvino.

Asi pasi pechibvumirano cheGlobal Political Agreement, VaMugabe havana masimba ekuita izvi vasina kuwirirana nevamwe vavo muhurumende.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG