Chipiri, Chikunguru 07, 2015 Local time: 09:07

Nhau / Africa

Kupesana paNyaya yeBumbiro Idzva Koramba Kuripo

x
Jonga Kandemiiri
Kusawirirana pamusoro pebumbiro idzva remitemo yenyika riri kunyorwa kunonzi kuchiripo pakati pemapato ari muhurumende, kunyange hazvo pakaumbwa kakomiti kaduku kevamiriri vemapato aya kari kutarisa nezvenyaya iyi.

Izvi zvabuda pamusangano waitwa muHarare neChipiri, kunyange hazvo mutauriri wekomiti iyi, uye vari gurukota rezvebumbiro remitemo nemabasa eparamende, VaEric Matinenga, vachiti musangano wavo wafamba nenzira kwayo.

Musangano wepiri waitwa nekakomiti aka muHarare, unonzi watadza kubuda nezvisungo panyaya dzinonzi dziri kutadza kuwiriranwa pakati peZanu PF, nemapato maviri eMDC, zvikuru panyaya yekuti voenda mberi sei nezvakabuda kumusangano weSecond All Stakeholders Conference.

Zvinonzi zviri kutadza kuwiriranwa inyaya yekuendeswa kwemasimba kumatunhu, devolution, pamwe nenyaya yekuti zvizvarwa zveZimbabwe zvikwanise kuve zvizvarwa zvekune dzimwe nyika asi zvisingarasikirirwi nekodzero dzazvo.

Bato reZanu PF rinonzi riri kuda kuti nyaya idzi dzikurukurwe patsva, asi mapato eMDC ari maviri anonzi ari kuti kwete.

Kunyange hazvo paine kusawirirana uku, komiti iyi yasunga kuti isangane zvakare nemusi weChina paine tarisiro yekuti vamiriri ava vanenge vataurawo nevakuru vavo pazvinetswa izvi.

Hurukuro naVaEric Matinenga
Hurukuro naVaEric Matinengai
|| 0:00:00
...    
🔇
X

You May Like

Vamwe Vanotengesera Mukati meGuta Vave Kwakatarwa neKanzuru yeHarare?

Kanzuru yeHarare, iyo iri kukurudzira vose vanotengesera mumigwagwa yemuguta iri kuti vachitanga kuenda kunzvimbo dzakasarudzwa kuti vachitengesera, inoti vamwe vatotanga kutambira nzvimbo itsva idzi Onai zvimwe

VaMugabe Vanoita VaJonathan Moyo Gurukota reDzidzo yePamusoro

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, neMuvhuro vakavandudza zvishoma dare ravo remakurukota vachibvisa VaJonathan Moyo kubazi rezvekuburitswa kwemashoko, vachivaita gurukota rinoona nezvedzidzo yepamusoro. Onai zvimwe

Vakawanda Vofarira Kubudirira kweZimbabwe Warriors

Izvi zvinotevera mangange 0-0 akaita chikwata ichi neComoros, Zimbabwe ndokubudirira sezvo yakakunda Comoros 2-0 iri pamba. Onai zvimwe

Nyanduri Ane Mukurumbira, Freedom Nyamubaya, Anoshaya muChinhoyi

Aimbove murwiri werusununguko uyezve vari munyori ane mukurumbira munyika, Freedom Nyamubaya, akashaya neSvondo kuchipatara chemuChinhoyi. Onai zvimwe

Vhidhiyo Live Talk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time) (1830-1900 UTC) (Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Onai zvimwe
Live Talk

Live Talk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Schedule: Monday-Friday Local Time: 8:30-9:00 p.m. UTC Time: 1830-1900 Duration: Weekdays: 30 minutes
Indaba zesiNdebele

Indaba zesiNdebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
English

English

Studio 7 has been providing Zimbabwe with objective, reliable and balanced radio news broadcasts since 2003 and has become a highly valued alternative point of reference on the airwaves for many thousands of Zimbabweans. Studio 7 covers politics, civil society, the economy, health, sports, music, the arts and other aspects of life in Zimbabwe. Studio 7 in Shona, English and Ndebele can be heard each Monday through Friday evening in Zimbabwe and elsewhere in the Southern African region from 7 p.m. to 8:30 p.m. followed by LiveTalk with hosts Blessing Zulu and Gibbs Dube from 8:30 to 9 p.m. On Saturday and Sunday Studio 7 news runs for an hour from 7 to 8 p.m. Studio 7 broadcasts at 909 on the AM or medium wave band, and on shortwave on the 4930, 7210 and 12120 kiloHertz frequencies. Listeners in the Harare region in particular may experience jamming on 909 AM. Studio 7 can also be received on free-to-air satellite devices during our normal time slot of 7 to 9p.m. and as a repeat of the Shona, English and Ndebele news programs plus LiveTalk from 9:00 to 11:00 p.m. Tune to Studio 7 on Intelsat 10, Virtual Channel (VC) 23. The channel is called VOA Southern Africa and carries other VOA language broadcasts including English, Portuguese and French. The downlink frequ3ency is 12.602 mHz and the symbol rate is 26.6. Downlink polarization is V or vertical. FEC or forward error correction is 1/2. Schedule Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m. Local Time: 7-9 p.m. UTC Time: 1700-1900 Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour

Facebook