Accessibility links

Breaking News

Vamiriri veMapato Votarisirwa Kusangana Kuti Vazeye Bumbiro Idzva


Vamiriri vemapato matatu ari muhurumende vari kusangana neChitatu kuti vatange basa ravakapihwa nevakuru vavo muhurumende.

Vatatu ava makurukota anoti gurukota rezvemari reMDC T, Va Tendai Biti, gurukota rezvemitemo reZanu PF, VaPatrick Chinamasa, uye gurukota rezvekubatana kwematunhu pasi rose reMDC-N, Amai Priscilla Misihairambi-Mushonga.

Makurukota aya, pamwe nemasachigaro matatu eCOPAC anoumba komiti diki yemanagement committee, iyo yakakomekedzwa kuti iongorore makakatanwa avepo zvichibva mugwaro rezvakabuda kumusangano weSecond All Stakeholders Conference.

Gurukota rezvebumbiro remitemo nemabasa eparamende, VaEric Matinenga, avo vari kutungamira hurongwa uhwu vaudza Studio 7 kuti vanotarisira kuti komiti iyi ichakwanisa kugadzirisa gakava rakabuda mushure memusangano uyu.

Panga pava nemashoko ekuti bato raVaNcube riri kuramwa kupinda mukomiti iyi.

Asi mutauriri waro, VaNhlanhla Dube, vati National Standing Committee yebato ravo yasangana muHarare ikabuda nechisungo chekuti bato ravo ripinde mukakomiti aka kuitira kuti bumbiro remitemo rikasike kupedzwa kuitira kuti rivhoterwe pareferendamu.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi reZanu PF sezvo vamiriri varo muhurongwa uhu vange vari mumisangano yekuronga musangano wepagore webato iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG