Accessibility links

Breaking News

Gakava Pakati paVaNcube naVaMutambara Rovhiringa Zvinhu


Vatungamiri vemapato ari muhurumende vari kuburitsa pachena kusawirirana kwavo mumafambisirwo ezvinhu muhurumende inofanirwa kunge iri yemushandira pamwe.

Izvi zviri kusiya zvizvarwa zvenyika zvisina chokwadi chizere sezvo vakuru vemapato ari muhurumende vari kuburitsa mashoko anopesana pane zviri kuitika.

Izvi zvakabuda pachena neMuvhuro apo mumwe wevatungamiri vemapato ari muhurumende, VaWelshman Ncube, vakaratidza kusafara nemabatirwo avari kuitwa.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, vakasangana neMuvhuro vakawirirana kuti paumbwe kakomiti kane makurukota matatu anobva kumapato matatu nemasachigaro matatu eCOPAC, uye gurukota rezvebumbiro nemabasa eparamende, vachaongorora gwaro rezvakabuda kumusangano weSecond All Stakeholders Conference, mushure mekunge paita makakatanwa.

Asi gurukota rezvemitemo nemabasa eparamende, VaEric Matinenga, vati hapasi kupinda vanhu vatsva, asi kuti komiti iyi ichaumbwa nenhengo dzemanagement committee, uye inofanirwa kunge yapedza basa rayo mukati memazuva manomwe.

VaMatinenga vati zvichaburitswa nekomiti iyi zvichaendeswa kudare reparamende, kwete kuvatungamiri vemapato ari muhurumende.

Vakafanobata chigaro chemutauriri waVaTsvangirai, VaWilliam Bango, vanoti VaNcube vakapinda mumusangano wechipiri wakaitwa nevatungamiri ava, uyo waikurukura nezvebumbiro idzva remitemo, uye VaNcube vanonzi havana chavakapikisa pane zvakasungwa mumusangano uyu.

Kunyange hazvo vamwe vari kuti VaNcube vakapinda mumusangano uyu, bato raVaNcube rati VaNcube vakazodaidzwa kuzoudzwa zvakanga zvawiriranwa kare, kwete kuti vazeye nevamwe nyaya yacho.

Munyori mukuru weMDC yaVaNcube, Amai Priscilla Misihairambwi-Mushonga, vari kutsika madziro vachiti VaNcube havana kupinda musangano wakaronga kuti paumbwe kakomiti aka, uye bato ravo ratonyorera kuSADC richinyunyuta nezviri kuitwa nevamwe vavo muhurumende.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti zvimwe zvava kukonzera kusafambira mberi kwezvinhu igakava rirpo pakati paVaMutambara naVaNcube, avo vari kurwira masimba ebato ravo mudare repamusoro soro. VaMutambara vari kupikisa mutongo wedare wekuti VaNcube ndivo mutungamiri mutsva.

Ukuwo SADC, iyo inova mutongi gava pagakava riri muZimbabwe, inonzi inocherechedza VaNcube semutungamiri mutsva weMDC diki. Asi VaMugabe vanoti havagoni kucherechedza VaNcube kana nyaya iri mumatare isati yapera kutongwa.

Apo nyaya iyi ichange yozeyiwa nenhumwa dzemutungamiri we South Africa, idzo dzapinda munyika neChipiri, mibvunzo iripo ndeyekuti vana veZimbabwe vachaudzwa nani chokwadi chezviri kuitika munyika kana vakuru vari muhurumende vachiburitsa mashoko anopikisana pane zvavanenge vaita vose vachinyatsoziva zviri kuitika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG