Accessibility links

Breaking News

MDC T neNCA Dzodirana Mavhu Mumaziso


Masangano maviri anozviti madzisahwira kwemakore gumi nemaviri, adirana majecha mumaziso zvekuti pave nekusawirirana kusati kwamboitika munhoroondo dzemasangano aya.

Kukandirana makobvu nematete pakati pebato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, nesangano rinorwira kuti munyika muve nebumbiro idzva remitemo yenyika rinobva muvanhu kwete muhurumende, reNational Constitutional Assembly, NCA, kunonzi kwakakonzerwa nemashoko anonzi akataurwa nasachigaro weNCA, Professor Lovemore Madhuku, mubepanhau reSunday Mail.

VeMDC vari kuona mashoko aya seanozvidza VaTsvangirai.

Vachitaura nebepanhau reSunday Mail pamusoro pebumbiro idzva remitemo yenyika riri kunyorwa, VaMadhuku vanonzi vakashoropodza VaTsvangirai vachiti vasapomere mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mhosva yekunonotsa kupedzwa kwegwaro remitemo sezvo vatungamiri vemapato ose ari muhurumende, vaine chekuita nekunonoka uku.

VaMadhuku vanonzi vakati VaTsvangirai vakaratidza kuita sechana chidiki zvichitevera kusawirirana kwavepo pabumbiro iri.

NeChitatu MDC-T yakaburitsa gwaro rekushoropodza mashoko aVaMadhuku aya.
Mutauriri weMDC T VaDouglas Mwonzora, vaudza Studio7 kuti bato ravo harirambe kushoropodzwa, asi vati uku hakuchisiri kushoropodza asi kuti kwave kutuka mutungamiri webato ravo.

Asi sangano reNCA raburitsawo gwaro richishorawo zvikuru mashoko eMDC T aya, richiti bato iri harifanirwi kupedza nguva yaro richinetsana neNCA richitadza kugadzirisa matambudziko arakatarisana nawo akaita sekurwisana kwenhengo dzaro, huwori pamwe nekudzikira kwerutsigiro rwaro.

NCA yati inoshora gwaro rebumbiro reCOPAC nekuti rinokudza hurumende, izvo zvinozopa kuti mari yakawanda ishandiswe mukubhadhara makurukota ehurumende.

Yatiwo nhengo dzeparamende dziri kuwedzerwa nebumbiro idzva kubva pamazana maviri negumi, kusvika pamazana maviri nemakumi matanhatu.

NCA yashorawo kuti gwaro rebumbiro idzva haribvise masimba ehurumende mukutongwa kwematunhu, uye vanhu vari kunze kwenyika havakwanise kuvhota.

Mutauriri weNCA, VaMadock Chivasa, vati Professor Madhuku vakataura semwana weZimbabwe ane kodzero yake yekutaura zvaanoda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG