Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai, VaMugabe naVaMutambara Vozeya Pasvika Bumbiro Idzva


Vakuru muhurumende vakasaina chibvumirano chekuumba hurumende yemubatanidzwa vasangana negurukota rezvebumbiro remitemo nemabasa eparamende vakazeya pasvika bumbiro idzva remitemo yenyika.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, vasangana muHarare negurukota rezvebumbiro remitemo nemabasa eparamende, VaEric Matinenga, vachida kuti vaziviswe pasvika hurongwa hwekunyorwa kwebumbiro idzva.

Vatungamiri ava vanosangana panguva apo paine makakatanwa pamusoro pebumbiro iri zvichitevera musangano weSecond All Stakeholders Conference wakaitwa muna Gumiguru.

Bato reZanu PF rinonzi riri kuda kuti gwaro rezvakaitika kumusangano weSecond All Stakeholders’ Conference ritange raendeswa kuvatungamiri vemapato ari muhurumende, ukuwo mapato eMDC ari kuti gwaro iri ritange raendeswa kuparamende, sezvo iri iyo yakatuma COPAC kuita basa iri.

Vane ruzivo nezviri kuitika mumapato ari muhurumende vanoti kana gakava iri rakasagadziriswa nekukasika, mapato eMDC ari kuti nyaya iyi inofanirwa kuendeswa kuSADC.

Mumwe wevatungamiri ava uye ari mutungamiri werimwe bato reMDC, VaWelshman Ncube, havana kupinda mumusangano wevatungamiri uyu uye vanonzi vari kuUganda pari zvino. VaNcube vagara vachiti havapinde mumusangano unoremekedza VaMutambara semumiriri webato.

VaMatinenga vaudza Studio 7 kuti vatungamiri vehurumende ava vavavimbisa kuti havasi kuda kutora chirongwa ichi kubva kuCOPAC, asi kuti vari kuda chete kuti vange vachiziviswa nezvedanho iri parinenge rasvika.

Vatiwo vari kutarisirwa kunyora gwaro repasvika hurongwa uhwu ravachapa kuvatungamiri ava neChishanu chesvondo rino kana kuti neMuvhuro wesvondo rinouya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG