Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yozeya Mihoro neVashandi Vayo neChitatu


Vashandi vehurumende vanoti havasati vawedzerwa mihoro kwemakore matatu apfuura
Vashandi vehurumende vanoti havasati vawedzerwa mihoro kwemakore matatu apfuura
Hurumende inonzi yashevedza vamiriri vevashandi vehurumende kumusangano wenhaurirano dzemihoro wechipiri uyo uchaitwa nemusi weChitatu chesvondo rinouya.

Musangano wekutanga wakaitwa musi wa 24 Zvita, uye hauna zvawakaburitsa mushure mekunge vaimirira hurumende vati vaida nguva yekunosvitsa zvavakanga vakurukura kuvakuru vavo.

Izvi zvinonzi zvakazoita kuti mamwe masangano evashandi asagadzikana nekusazvipira kwaanoti kwakaratidzwa nehurumende.

Sachigaro weApex Council, VaRichard Gundani, vanoti komiti yavo haina matanho ayati yaronga kutora kana nhaurirano dzikasafamba sezvakatarisirwa, sezvo ichifanirwa kutanga yadzokera kumasangano ayinomirira. Vanoti masangano aya ndiwo anozopa Apex Council gwara rekutora.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vamwe vashandi vehurumende vari kuti vanoda mari inofambidzana ne poverty datum line, iyo yaiva pamari inoita mazana mashanu nemakumi mana emadhora pakaendeswa gwaro ravo muna Gumiguru.

Poverty datum line yava pamazana mashanu nemakumi manomwe emadhora pamwedzi.

Asi varairidzi vanoti vanoda mari iri pamusoro pepoverty datum line kuitira kuti ifambirane neruzivo rwavo rwebasa.

Studio7 yakundikana kunzwa divi regurukota rezvevashandi nemabasa ehurumende, VaNicholas Goche, panyaya iyi.

Asi VaGoche neChina vakaudzawo bepanhau reHerald kuti vashandi vachawedzerwa mihoro yavo ichidzoserwa kumwedzi waNdira wegore rino, kunyange hazvo vasina kuda kupinda munyaya dzemihoro iyi vachiti nhaurirano dzichiri kuenderera mberi.

Munyori werimwe remasangano evarairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, iro rakatozivisa kare kuti nhengo dzaro dzaizoramwa mabasa kana pasina musangano waitwa, VaRaymond Majongwe, vanotiwo sangano ravo richapinda munhaurirano rakangogadzirira kuti kana dzikasafamba zvakanaka votora matanho.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG