Accessibility links

Breaking News

PTUZ Yoronga Kuramwa Mabasa Svondo Rinouya


PTUZ inoti hurumende haina kuratidza chido chekuwedzera vashandi vayo mari
PTUZ inoti hurumende haina kuratidza chido chekuwedzera vashandi vayo mari
Rimwe remasangano evashandi vehurumende, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti kusajeka kwemafambiro enhaurirano dzemihoro yevashandi vehurumende kwave kuita kuti rigare ratora danho rekuzoramwa mabasa panovhurwa zvikoro Chipiri chesvondo rinouya.

Munyori mukuru wePTUZ, VaRaymond Majongwe, vanoti nhaurirano dziri kutarisirwa kuitwa chero nguva svondo rino havaoni dziine chadzinoburitsa sezvo hurumende isina kuda kuzvipira panhaurirano dzakaitwa mukupera kwaZvita wegore rapera.

Sangano iri rinoti rinoda kuti murairidzi ari kutanga basa atambire mazana matanhatu nemakumi mapfumbamwe emadhora pamwedzi, kwotiwo agara pabasa achitambira chiuru chimwe chemadhora.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hurumende yakavimbisawo kuti ichada kuti mushandi anotambira mari iri pasi pasi, atambire mari inofambirana neinodiwa nemhuri ine vanhu vatanhatu kuti irarame, kana kuti poverty datum line, iyo inonzi iri pamadhora mazana mashanu nemakumi manomwe pamwedzi.

Gurukota rezvevashandi vehurumende, VaNicholas Goche, vanoti havakwanise kutaura nevatori venhau munguva iyo hurumende iri kuita nhaurirano dzemihoro nevashandi vayo.

Sachigaro weApex Council, uye vari mutungamiri weZimbabwe Teachers Association, Zimta, VaRichard Gundani, vanotiwo vanotarisira kuti nhaurirano dzavakamirira dzinoburitsa chimuko.

VaGundani vanoti seApex Council havakwanisi kutora danho vasati vaona zvinobva munhaurirano.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Chief executive officer wePublic Service Association, VaSifiso Ndlovu, vaudzawo Studio 7 kuti vanozotora danho chete kana vatanga vanzwa zvabuda muhurukuro dzavari kutarisira kutanga chero nguva.
XS
SM
MD
LG