Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzePTUZ Dzoratidza Kutsamwa neVimbiso dzeMihoro Isiri Kuuya


PTUZ
PTUZ
Nhengo dzesangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, dzinoti kana hurumende ikatadza kuzadzisa chivimbiso chayo chekuti vashandi vayo vachawana mihoro yavo mitsva mumwedzi wa Kubvumbi, havana zvimwe zvavachaita kunze kwekuramwa mabasa.

Dzichiratidza kusafara kwadzo padandemutande reFacebook resangano iri nevimbiso yadzinoti iri kuramba ichiitwa nevatungamiri vehurumende asi pasina chinoratidza kuti vakazvipira, nhengo idzi dzinoti hurumende inofanirwa kuratidza kuzvipira kwayo panyaya iyi kuburikidza nekunyorerana pasi chibvumirano nevamiriri vevashandi kuti mihoro mitsva iyi inouya riini.

Hurumende yakanga yavimbisa kuti ichawedzera vashandi vayo mihoro muna Kukadzi asi izvi hazvina kuzoitika, yakazoti ichavawedzera muna Kubvumbi.

Mukupera kwesvondo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakati vashandi vehurumende vaizowedzerwa mari dzavo muna Kubvumbi, vachiti naivowo vakanga vakatomirirawo mari iyi.

Nemusi weChipiri gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, avo vakavimbisawo zvakare kuti mari dzichauya muna Kubvumbi, vakazivisa kuti hapana mushandi wehurumende achazotambira mari iri pasi pe poverty datum line, iyo yakanzi nehurumende iri pamadhora mazana mashanu ane madhora mashanu.

Asi nhengo dzePTUZ idzi dzinoti huwori hunonzi huri kuitwa mumakambani ari pasi pehurumende ndezvimwe zvezvinhu zviri kutadzisa kuti vawedzerwe mari dzavo.

Imwe nhengo yesangano iri uye vari sachigaro wedunhu reHarare, VaCharles Mbwandarika, vanoti rimwe dambudziko ravepo nderekuti vatungamiri vemasangano evashandi vehurumende vari muApex Council, havasi kuratidza kuwirirana padanho rekutora panyaya iyi.

VaMbwandarikwa vanoti nhengo dzemasangano ese evashandi vehurumende vanobvumirana pakuti hurumende iri kuramba ichi hwanda nemunwe panyaya dzemihoro, uye vari kushushikana sezvo vari ivo vari kushupika nekunonoka kwemari uku.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG