Accessibility links

Breaking News

Vashandi veChitungwiza Vopinda Muzuva reChina Vachiramwa Mabasa


Chitungwiza
Chitungwiza

Kuramwa mabasa kwevashandi vekanzuru yeChitungwiza kwapinda muzuva rechina, pasina chagadziriswa.

Kuramwa mabasa uku kwave kuonekwa zvakanyanya kuburikidza nekusatakurwa kwemarara, kusagadzirwa kwepombi dzinotakura muvra netsvina nezvimwe zvinoda kugadziriswa.

Vana mukoti pamwe nevanochera makuva vanonzi vapindawo mukuramwa mabasa uku izvo zvinonzi zvave kuomesera vane hama dzinenge dzashaya dzinoda kuchengetedzwa kumarinda ekanzuru iyi.

Munyori wekanzuru, VaGeorge Makunde, vakaudza bepanhau reThe Herald kuti kanzuru yavo yave nehurongwa kwekukumbira mauto kuti abatsire nekuita mabasa anokosha.

Mutauriri wevashandi veChitungwiza, Reverend Ephraim Katsina, vanoti vashandi havasi kuzodzokera shure nedanho ravo rekuda mihoro yavo, iyo yave nemwedzi inosvika gumi nemina.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Studio7 yakundikana zvakare kubata meya weChitungwiza, VaPhilip Mutoti, kanawo VaMakunde kuti tinzwe pamire kanzuru panyaya iyi.

Kanzuru inonzi ine chikwereti chemari yevashandi chemwedzi gumi nemina inodarika madhora mamiriyoni gumi nerimwe.

Mutauriri wesangano revagari reChitungwiza Residents Trust, VaMarvellous Khumalo, avo vanoti kunyange hazvo kuramwa mabasa uku kuri kuvaomesera sevagari, vari kutsigira danho revashandi iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG