Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeKuramwa Mabasa kweVashandi veChitungwiza Inopinda Mudare


Chitungwiza
Chitungwiza

Nyaya yekuramwa mabasa kwevashandi vekanzuru yeChitungwiza yapinda mudare reLabour Court muHarare umo yanzwikwa neChitatu.

Izvi zvinotevera danho rinonzi rakatorwa nekanzuru yeChitungwiza rekukwira kumatare richida kupiwa mvumo yekudzinga vashandi vairamwa mabasa basa.

Asi zvinonzi dare razongonzwa nyaya yetsamba mbiri dzinonzi dzakanyorwa nemakurukota ehurumende dzichida kuti vashandi vape zvikonzero zvekuti sei vairamwa mabasa kana kuti Show Cause Order.

Mutauriri wevashandi veChitungwiza, Reverend Ephraim Katsina, vanoti mutongi wedare reLabour Court ati haasi kupa mutongo wake panyaya iyi.

Kunyange hazvo vashandi vakadzokera pamabasa, tsamba dzakabva kuhurumende, imwe ichinzi yakasainwa negurukota rezvehutano, VaDavid Parirenyatwa, neimwe inonzi yakazonyorwa neChipiri negurukota rezvevashandi nemabasa, VaNicholas Goche, dzaida kuti vashandi vadzokere pamabasa panguva imweyo vachizivisa kuti sei vachifunga kuti vanofanirwa kuramwa mabasa.

Runyerekupe rwunoti kanzuru iri kuronga kudzinga mabasa vashandi vanosvika mazana mana vanofungidzirwa kuti vaitungamira kuramwa mabasa uku.

Taedza kubata meya weChitungwiza, VaPhilip Mutoti, asi vadaira foni yavo vati ivo vanga vari mumusangano.

Asi Reverend Katsina vanoti zvabuda mudare izvi zvinotambirwa nemufaro zvikuru nevashandi sezvo zvichimbovatsigira panguva ino yekuomerwa kwavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG