Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anotamisa neChisimba Mhuri paKamba yeChingwizi


Mapurisa ari paChingwizi Transit Camp
Mapurisa ari paChingwizi Transit Camp

Dzimwe mhuri dzakagariswa patsva kuChingwizi kuMasvingo dzinoti dziri kushushikana zvikuru nekutamiswa kwadzave kuitwa dzichiendeswa kuminda yadzanga dzichiramba dzichiti midiki.

Mumwe mugari wepaChingwizi, VaMilton Shumba, vanoti dzimotokari dzavakapiwa kuti dzivabatsire kutakura zvinhu zvavo kubva pakamba yeChingwizi ishoma, izvo zvave kuita kuti vamwe vagari vatakure zvinhu zvavo nengoro kana misoro.

Vamwe vagari vanonzi panzvimbo pekuenda kuminda mitsva iyi, vave kudzokera kumatongo avo eku Tokwe-Mukosi, uko vakanga vatamiswa mushure memafashamu akaitika ikoko.

Vanhu ava vanonzi vari kuti zviri nani kuti vadzokere kumatongo avo, sezvo kuminda yavari kupiwa iyi kusina zvinhu zvakakwana zvakaita sezvikoro, zvipatara nezvimwe zvakadaro.

NeMuvhuro mapurisa akapakatira zvombo anonzi akamanikidza madzimai nevana kuparadza matende avanga vachigara.

Midziyo yakawanda inonzi yakapararawo muchiitiko ichi.

Zvichakadaro, vanhu makumi maviri nevapfumbamwe vakasungwa nemapurisa mukupera kwesvondo paChingwizi vachipomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga pamwe nekurova mapurisa, vamiswa pamberi pedare reChiredzi Magistrate.

Magweta ari kumirira vanhu ava, eZimbabwe Lawyers for Human Rights, anoti vasungwa ava vaudza dare kuti vakashungurudzwa nemapurisa vari muhusungwa.

Rimwe remagweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaDzimbabwe Chimbwa, vaudza Studio 7 kuti mutongi wedare ati anoda nguva yekuti amboongorora nyaya yakwidzwa nevasungwa ava ozodzoka kudare nemusi weChipiri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG