Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anomanikidza Vagari vekuChingwizi Kutama


Mapurisa anonzi amanikidza mhuri dziri paChingwizi kuenda kuminda yavakachekerwa nehurumende
Mapurisa anonzi amanikidza mhuri dziri paChingwizi kuenda kuminda yavakachekerwa nehurumende

Mapurisa akapakatira zvombo anonzi amanikidza madzimai nevana vadiki kuparadza misasa yematende yepakamba yeChingwizi, apo panga pakachengeterwa mhuri dzinodarika zviuru zvitatu dzakawirwa nedambudziko remafashamu emvura ku Tokwe-Mukosi.

Mumwe wevagari vemukamba yeChingwizi, VaMilton Shumba, avo vakatiza mapurisa neSvondo vanoti vanhu ava vazomanikidzwawo kubva pakamba apa vachiendeswa kuminda yavakachekerwa nehurumende.

Asi vazhinji vevanhu ava vanonzi vanga vachiramba kutambira minda iyi vachiti midiki.

Danho remapurisa iri rinouya panguva iyo vanhu vanosvika mazana matatu, vazhinji vavo vari vanhurume vemukamba iyi vachinzi vakasungwa neSvondo vachipomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga yakaitika panzvimbo iyi nemusi weChishanu.

Mhirizhonga iyi inonzi yakasiya motokari dzemapurisa mbiri dzapiswa.

Magweta anorwira kodzero dzevanhu eZimbabwe Lawyers for Human Rights, ayo aiedza kubva neSvondo kuti awane mukana wekuona vasungwa ava pakamba yemapurisa yekuTriangle apo vakachengetedzwa, anoti azopiwa mukana wekuona vasungwa ava.

Magweta aya anoti vasungwa vazhinji vakarohwa nekukuwadza nemapurisa.

Sachigaro anomirira vagari ava anonziwo nemagweta aya akarohwa zvakaipisisa uye akasiiwa achibuda ropa asina kupiwa rubatsiro.

Magweta aya anoti pavanhu vakanga vasungwa ava, varume vanosvika gumi nevasere pamwe nemadzimai mapfumbamwe, kusanganisira mumwe ane mwana mucheche, ndivo vasara vachiri muhusungwa mushure mekunge mapurisa abvunzurudza ndokurega vamwe vachibuda.

Tatadza kubata gurukota redunhu reMasvingo, VaKudakwashe Bhasikiti, sezvo nhare yavo yanga isingadairwi.

Hatinawo kukwanisa kunzwa dzivi remapurisa pane zviri kuitika kuChingwizi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG