Accessibility links

Breaking News

Transparency International-Zimbabwe Yofara neKuumbwa kweKomisheni Itsva Inorwisa Huori


Gore rapera ongororo yeTransparency International panyaya dzehuwori yakaisa Zimbabwe mukati menyika dzine huwori hwakakomba.
Gore rapera ongororo yeTransparency International panyaya dzehuwori yakaisa Zimbabwe mukati menyika dzine huwori hwakakomba.

Rimwe sangano rinorwisa huwori pasi rose rinoti rinofara zvikuru nehurongwa hwekuti pave nenhengo itsva dzekomisheni inorwisa huwori munyika, yeZimbabwe Anti-Corruption Commission, kunyange hazvo hurongwa uhwu hwusina kusvitswa kuvana veZimbabwe nyika yose sezvaitarisirwa.

Mukuru weTransparency International-Zimbabwe, Muzvare Mary Jane Ncube, vanoti chingava chinhu chakakosha zvikuru kuti komisheni ichagadzwa inge iine masimba ekuita basa rayo pasina vanopindira, sezvinodiwa nebumbiro remitemo idzva.

Kudomwa kwemazita kwakapera nemusi weSvondo, rinovewo zuva rakapera temu yemakore matatu yasachigaro wekomisheni yakanga iripo, VaDenford Chirindo.

Dzimwe nhengo dzekomisheni iyi dzakanga dzapedza basa radzo pakaperawo temu yadzo yemakore maviri gore rapera kupera kwaNyamavhuvhu.

Asi nhengo idzi hadzina kuzoenderera mberi dzichidomwa zvakare sezvo gurukota rezvemukati menyika, VaKembo Mohadi, vakati kudomwa kwadzakanga dzaitwa pakutanga kwaive kunze kwemutemo.

Vamwe vevaive nhengo dzekomisheni iyi vanonzi vakadomwa zvakare pamazita gumi nemaviri achatanga aongororwa nekomiti yeparamende asati aendeswa kumutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti vazodoma vanhu vapfumbamwe vanozoumba komisheni iyi.

Pasi pemutemo, komiti yeparamende inofanirwa kupa VaMugabe mazita evanhu vainofunga kuti ndivo vanofanirwa kuva mukomisheni iyi.

Asi mutemo haumanikidzi VaMugabe kutambira kurudziro yekomiti yeparamende, asi mitemo inovapa masimba ekusarudza vanhu pavanhu vasingapfuure gumi nevaviri vavanenge vapihwa nekomiti yeparamende.

VaMugabe ndivo vanodoma sachigaro nemutevedzeri wake wekomisheni iyi.

Komisheni iyi inofanirwa kuva nevanhukadzi vasiri pasi pezvikamu makumimashanu kubva muzana zvemakomishina.

Muzvare Ncube vanoti kana chiri chokwadi kuti vamwe vaive mukomisheni yapfuura vakadomwa zvakare kuti vaumbe komisheni itsva iyi, panofanirwa kuonekwa kuti zvimwe zvaipomerwa vanhu ava zvehuwori zvaongororwa.

Veruzhinji vanoti havaoni komisheni iyi seine basa sezvo isina mazino ekuruma vanoita zvehuwori.

Hurukuro naMuzvare Mary Jane Ncube
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG