Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vanoti Zvinhu Zvatanga Kuoma Gore Nyika Yabva Musarudzo


The future looks bleak for these vendors at Egodini as the Bulawayo City Council has not yet found a suitable place to relocate them a few days before they vacate the Basch Street Bus Terminus. (File Photo)
The future looks bleak for these vendors at Egodini as the Bulawayo City Council has not yet found a suitable place to relocate them a few days before they vacate the Basch Street Bus Terminus. (File Photo)

Apo nyika iri kucherechedza gore mushure mesarudzo dzaChikunguru 31 2013, idzo dzakapinza mukutonga bato reZanu PF riri roga, vanhu vane maonero akasiyanasiyana pamamiriro akaita zvinhu munyika, zvikuru munyaya dzeupfumi.

Vamwe vatotanga kare kuti zvinhu zvatanga zvakare kudzikira pasi kudzokera kumakore a2008 na2009, zvikuru munyaya dzeupfumi.

Asi vamwewo ndivo vari kuti nguva ichiri pfupi kuti vanhu vatange kupomera mhosva Zanu PF kuti iri kukundikana.

Mukutsvaga kwaro rutsigiro, bato iri rakavimbisa kuti richamutsa mabasa anodarika mamiriyoni maviri mukati memakore mashanu, kuburikidza nechirongwa charo cheZimAsset.

Asi apa ndipowo pari kupinda vamwe vanoti panzvimbo pekuunza mabasa mamiriyoni maviri aya, vanhu vakawanda vari kutorasikirwa nemabasa zuva nezuva.

Sangano rinomirira vashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions rinoti vanhu vanodarika zviuru gumi vakarasikirwa nemabasa kubva Chikunguru wegore rapera kusvika muna Chivabvu wegore rino nekuda kwekuvhara kwemakambani.

Mukati memwedzi gumi nemiviri imomo, ndimowo zvakare makapatsanuka bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, chimwe chikwata chichitungamirirwa nevaimbove munyori mukuru webato iri, VaTendai Biti, chichizviti ‘MDC Renewal Team.’

Dzimwe nyanzvi dzezvematongerwo enyika dzinoti zvakawanda zvichaitika pachasvika nyika mune dzimwe sarudzo muna 2018, sezvo zvinhu zvisina kugadzikana mumapoka ose ehupenyu.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vaimbova mukuru we Policy and Research muMDC T, VaCharles Mangongera, vanoti kubva mukufamba kwavari kuita nenyika, vari kuwana mashoko ekuti vanhu vari kuchema zvikuru.

VaMangongera vanoti kutadza kweZanu PF kuzadzisa zvivimbiso zvayo pasarudzo ndizvo zvinogona kuzoita kuti vanhu varase chivimbo nayo.

Asi mukuru weZimbabwe Grain Millers Association uye vari nhengo yeZanu PF, VaTafadzwa Musarara, vanoti hurumende yeZanu PF yaita zvakawanda zvinoonekwa, zvikuru munyaya dzekumutsiridza mabasa.

Asi vanoti vanhu havatauri panowaniswa mabasa, asi kumirira kushoropdza panenge pavharwa makambani.

VaMusarara vanoti makambani ari kunzi ari kuvharwa, matambudziko awo akatanga panguva yehurumende yemubatanidzwa, apo mapato aive muhurumende iyi aitadza kuwirirana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

​
XS
SM
MD
LG