Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoiswa paNyika Dzine Huwori Pasi Rose


Zimbabwe imwe yenyika dzepasi rose ine huori hwakanyanya zvichitevera ongororo yakaitwa nesangano reTransparency International.

Izvi zviri mugwaro raparurwa neChitatu neTransparency International. Gwaro iri rinonzi “Corruption Perception Index 2012”.

Gwaro iri rinoratidza kuti huwori munyika huri kutokwira panguva iyo paine kurudziro yekuti huwori hurwiswe pasi rose.

Ongororo yeTransparency International iyi inoratidza kuti Zimbabwe, iyo iri pachinhambo chezana nemakumi matanhatu nenhatu, panyika zana makumi manomwe nenhanhatu, dzakatariswa mugore ra2012, yakawana zvibodzwa makumi maviri kubva muzana, zana iri nyika yakachena munyaya dzehuori.

Nyika dziri pamusoro panyaya dzehuwori iSomalia neNorth Korea, idzo dzakawana zvibodzwa zvisere.

Denmark neFinland dziri idzo nyika dzakachena kupfuura dzimwe dzose dziine zvibodzwa makumi mapfumbamwe nezvitatu kubva muzana nemakumi mapfumbamwe nezvishanu kubva muzana zvakadaro.

Gwaro iri rinotiwo mumakore adarika huwori huri kuwanikwa huchidzika midzi mumapazi akawanda emuhurumende, akaita seedzidzo, hutano, migodhi nemitambo, paine kurudziro yekuti hurumende inofanirwa kutosunga dzisimbe kana ichida kukunda muhondo yekurwisana nehuwori.

VaItai Chikowore, vanove mukuru wezvirongwa musangano reTransparency International-Zimbabwe, vanoti sangano ravo rakaita ongororo iyi richibatsirwa nemasangano akazvimirira pamwe nehurumende dzenyika dzose idzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG