Accessibility links

Breaking News

Sangano re Deaf Zimbabwe Trust Rotura Nhunha Dzaro kuParamende


Rimwe sangano rinomirira vabereki vane vana vasinganzwe, reDeaf Zimbabwe Trust, raudza paramende neChitatu kuti vana vazhinji vasinganzwi havasi kuenda kuchikoro munyika sezvo zvikoro zvisina varairidzi vane ruzivo rwekudzidzisa vana ava pamwe nemabhuku.

Vachipa humbowo maererano nematambudziko anotarisana nevana ava kukomiti yeparamende inoona nezvedzidzo, imwe nhengo yesangano iri, Amai Barbra Nyangairi, vati zvinosuwisa kuti vana vanodarika zvikamu makumi mapfumbamwe nezvina kubva muzana havasi kuenda kuchikoro.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vati kunyange zvikamu zvitanhatu nechidimbu kubva muzana zvevari kuenda kuchikoro, vana ava havasi kudzidza zvakanaka, uye zvikoro zvizhinji hazvisina varairidzi vane ruzizvo rwekudzidzisa vana ava.

Amai Nyangairi vati kunyange hazvo pane Maduramanzwi evana vasinganzwe akanyorwa, haasati ave kushandiswa muzvikoro uyewo varaidzi vazhinji havakwanisi kutaura nevana ava sezvo vasingazive mutauro wavo kana kuti Sign Language.

Vati chikumbiro chavo kubazi rezvedzidzo ndechekuti mutauro wemaoko ushandiswe muzvikoro zvese uyewo kuti zvikoro zvevarairidzi zvidzidzise varairidzi kuti vakwanise kudzidzisa vana vasinganzwe.

Mumwe mukuru mubazi redzidzo yePrimary ne Secondary vanoona nezvezvirongwa zvemitemo, VaPeter Muzavazi, vabvuma kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka mubazi ravo uye vati chinangwa chavo ndechekuti kutanga gore rinouya, chikoro chega chega chive nemuraidzi anodzidzisa vana vasinganzwe kana vanorarama nehumwe hurema.

Imwe nhengo yeseneti inomirira vanhu vanorarama nehurema, Amai Anna Shiri, vati zvinosuwisa kuti vana vazhinji vanorarama nehurema vanoshaya mukana wekuenda kuchikoro asi vaine njere.

Zimbabwe ine zvikoro zvinodarika zviuru zvisere nemazana mashanu.

Zvichakadai mutevedzeri wegurukota rinoona nezvevakarwa hondo yerusununguko, VaTshinga Dube, vabvunzwa muparamende kuti sei bazi ravo risiri kushandisa nhepfenyuro dzakaita seStudio7 kuti dzitaure nevakarwa hondo sezvo nhepfenyuro dzeZimbabwe Broadacsting Corporation dzisiri kunzikwa munyika mese.

VaDube vati pane nzira dzakawanda dzekusvitsa mashoko kuvanhu ava dzakaita senhepfenyuro dzakasiyana siyana pamwe nemapepanhau.

XS
SM
MD
LG