Accessibility links

Breaking News

Sangano reOperation Of Hope Robatsira Vana Vakaremara Muromo muZimbabwe


Chirongwa chesangano rinobatsira pachena vana vane chirwere chinoremadza miromo kana kuti "cleft palate" cheOperation Of Hope chakapinda muzuva repiri neChipiri chichivhiya vana ava kugadzirisa hurema uhu.

Chirongwa ichi chirikuitirwa kuHarare Hospital asi chinotora vanhu vanobva munharaunda dzakasiyana siyana munyika.

Mutungamiri wesangano reOperation Of Hope Amai Jennifer Trubenbach vanoti vari kushanda ne Avondale ne Borrowdale Brooke Rotary Clubs muhurongwa hwavo uhu.

Vana makumi matanhatu varikutarisirwa kurapwa pasi pechirongwa ichi icho chichatora vhiki rimwe. Sangano iri rakatanga kushanda munyika mugore ra 2006.

Amai Trubenbach vanoti chirongwa ichi vakatanga vachichiita kwemavhiki maviri asi parizvino varikuchiita kwevhiki rimwe chete sezvo vave nechinguva vachishanda nevabereki vevana vakaremara miromo kubvira pakuberekwa.

Vanoti kazhinji vabereki vanofunga kuti chirwere ichi chinokwanisa kurapwa nemishonga yechivanhu asi ichi handi chokwadi sezvo chirwere ichi chichikwanisa kugadziriswa nemadhokotera chete.

Amai Trubenback vanoti zvirongwa izvi zvakatangwa nababa vavo makore makumi maviri nemashanu apfuura muAmerica asi ivo nehanzvadzi yavo vakawona zvakakosha kuti varambe vachichiita mudzvimbo dzakadai seAfrica.

Vanotiwo vamwe vanhu vaida kupinda muchirongwa ichi vakatodzorwa kumba neSvondo sezvo vainge vawandisa.

Mumwe mukoti wepaHarare Hospital varikushanda pasi pechirongwa ichi Muzvare Brenda Simbini vaudza Studio 7 kuti zvirongwa zvakadai zvirikubatsira vanhu vakawanda.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG