Accessibility links

Breaking News

Mapositori Akawanda Obatsirwa muZvipatara muZimbabwe


Map of Zimbabwe
Map of Zimbabwe

Vana mukoti vakuru vanomirira matunhu eChipinge, Mutare neMutasa vanoti vari kufara zvikuru nezviri kuitwa nevatenderi vechipositori avo vave kuendesa madzimai avo akazvitakura kuti anobatsirwa kuzvipatara.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vezvehutanoava vanoti hurongwa huri kuitwa nesangano rakazvimirira roga re Plan International - Zimbabwe hunozivikanwa nerekuti “Women and their Children’s Health” kana kuti WATCH huri kubatsira zvakanyanya mukushandura tsika yevatenderi ava.

Kwemakore akawanda vezvehutano vanoti vanga vachinetsekana zvikuru nemaitiro emapositori ayo airamba kunorapwa kuzvipatara achiti mvura yavanonamatirwa ndiyo ine simba rose rekurapa zvirwere zvose zvinowira munhu.

Asi mafungiro nemaonero aya ashanduka zvichitevera chirongwa chesangano rinobatsira pasi rose, re Plan International – Zimbabwe.

Hurongwa hweWATCH hune chinangwa chekudzivirira kurasikirwa nehupenyu kwemadzimai akazvitakura, pamwe nevacheche vari pasi pemakore mashanu.

Chirongwa ichi, icho chakatangwa muna Mbudzi 2011, chinoisawo vanhurume kuitira kuti vave neruzivo pamusoro pematambudziko anosangana nevanhukadzi munguva dzavanenge vakazvitakura

Mukoti mukuru wedunhu reMutare, Sr. Margaret Guwira, vanoti vanofara zvakanyanya nekuti madzimai echipositori akazvitakura ava kubvuma kubatsirwa muzvipatara, uye vana vacheche vava kurapwawo, izvo zvange zvisingaitike.

Sr. Guwira vanoti hurongwa hweWATCH hwakapa kuti vatange kudyidzana nemumwe mukuru wesangano revapositori anozivikanwa nekuti Mutumwa, wekuZvipiripiri, kwaMarange.

Vanoti mukuru wevaposittori uyu akavapa mvumo yekupa dzidziso kuvatenderi vechechi yake.

Chechi iyi ine vatenderi vanofungidzirwa kuti vanopfuura miriyoni imwe chete nezviuru mazana matanhatu, uye chechi yekwaMwazha ine vatenderi vanosvika miriyoni imwe chete nezviuru mazana masere.

Sabhuku Panganai Chisuko vekuNyanga vanoti dzidziso yavakawana kubva pahurongwa hweWATCh iri kubatsira vazhinji mukudzivirira njodzi kumadzimai uye vacheche.

Sabhuku ava vanoti kunze kwedzidziso yekuti madzimai achirega tsika yekusunungukira mudzimba, pane zvimwe zvakawanda zvavakawana.

Amai Constance Kudinha ndivo Village Health Worker kwaChitakatira. Amai Kudinha vanoti madzimai echipositori anovashanyira husiku vachida mishonga yekurapwa zvakasiyana-siyana pamwe nemapiritsi ekuronga mhuri.

Amai Monica Kanetsa, avo vanobva kuBurma Valley, vanotiwo kudavira kwevanhu vemachechi emapositori kuchiri kuita kuchinetsawo kunzvimbo kwavanobva kunyangwe vamwe vari kugamuchira rubatsiro rwavo.

Vanoona nezvezvirongwa zve Plan International muZimbabwe, VaMaxwell Mhlanga, vanoti nekuda kweWATCH chirongwa ichi chaderedza kurasikirwa nehupenyu kwemadzimai pamwe nevacheche nezvikamu makumi maviri nezvishanu kubva muzana kubva pachakavambwa.

Chirongwa cheWatch, acho change chichifambiswa nePlan Zimbabwe, chave mumaoko ehurumende pasi pebazi rezvehutano.

Chirongwa ichi chiri kuitwa mumatunhu anoti Mutare, Mutasa uye Chipinge.

Kusvika pari zvino WATCH yadzidzisa vagari vemumaruwa vanozivikanwa nekuti Village Health Workers, vanosvika chiuru nezana rine makumi matanhatu, mukuita mabasa ekubatsira munharaunda munyaya dzezvehutano.

Plan Zimbabwe yakatanga kushanda muZimbabwe muna 1986, uye ine zvirongwa munyaya dzedzidzo, hupfumi nehutano.

XS
SM
MD
LG