Accessibility links

Breaking News

Vagari Vopfuya Hove kuNyanga


Dzimwe mhuri dzava kurarama hupenyu hwakanaka nekuchengeta hove mumadhamu madiko adzakavaka kuNyanga mudunhu reManicaland.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mhuri idzi dzakashandura matoro ndokuaita tumadhamu twekuchengetera hove vachibatsirwa nesangano reEnvironmental Management Agency, EMA.

Mhuri dzinokwana makumi mavairi nesere dziri kuchengeta magwaya kana kuti mabende mumadhamu makumi maviri nemasere avakachera mumatoro emunharaunda iyi pasi pechirongwa chiri kutungamirwa neNyamuenda Wetland Protection and Fish Ponds.

Munyori wechirongwa ichi, Amai Tapiwa Charangwa, vanoti vakatanga chirongwa ichi makore apfuura asi pari zvino zvavekufambira mberi nekuda kwerbatsiro rwavakawana kubva kuEMA.

Amai Charangwa vanoti kubva pavakatanga kuchengeta hove,vave kuwana kudya kunovaka muviri uye kutengesa dzimwe dzacho kuitira kuti vawane mari yekushandisa pazvimwe zvinhu zvinoda mari.

Imwe nhengo iri muchirongwa chekupfuya hove ichi, Ambuya Jane Charangwa, vanoti hove dzavo dziri kutarisirwa kuti dzinge dzichizoiswa mumadhamu ose sezvo pari zvino dzichingori mumadhamu mashanu vachimirira kuti dziwande.

Amai Tapiwa Charangwa vanoti kunze kwekufara nechirongwa chavo vanosuwiswa nekudyirwa hove dzavo neshiri kunyanya munguva yekupisa apo hove dzinenge dzichitambira pedyo nekunze.

Sangano reEMA rakabatsira mhuri idzi nekuvatengera waya yekupoteredza madhamu avo pamwe nekuvatengera dzimwe hove dzokuisa mumadhamu aya.

Pakashandiswa mari inoita madhora mazana kutenga hove idzi, uye pakashandiswa madhora mazana mashanu ekutakura hove idzi dziri mhenyu.

Environmental Officer mudunhu reNyanga, Va Daniel Manzou, vanoti kunze kwemubatsira vagari ava newaya vakaona zvakakodzera kuti vachengetedze matoro ukuwo mhuri dzichiwanawo zvinovabatsira.

Sangano reEMA rinoti rine hurongwa hwekuti matoro ose emudunhu reManicaland ange achishandurwa kuti ave anopa chouviri kuvagari vemudunhu iri.

Hove idzi dzinopihwa ndove dzenguruve nematosi ehuku sechikafu.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti hove dzine chikafu chakanaka chinovaka muviri kuitira kuti vanhu vave nehutano hwakanaka.

XS
SM
MD
LG