Accessibility links

Breaking News

Nyanduri Ane Mukurumbira, Freedom Nyamubaya, Anoshaya muChinhoyi


Freedom Nyamubaya
Freedom Nyamubaya

Aimbove murwiri werusununguko uyezve vari munyori ane mukurumbira munyika, Freedom Nyamubaya, akashaya neSvondo kuchipatara chemuChinhoyi.

Mwana wemufi, Naishe, anoti semhuri havasati vave kuziva chikonzero chauraya amai vake, kunyange hazvo vari munhu anga achinetseka neHigh Blood Pressure.

Naishe anoti amai vake vakaendeswa kuchipatara chemuChinhoyi nekuda kweHigh Blood Pressure yaanoti yanga yakakwira zvakanyanya.

Naishe anoti hurongwa hwekuradzika mufi hausati hwava pachena sezvo hama dzakawanda dzisati dzavepo.

Nyamubaya anozivikanwa nenyaya yekurwira kodzero dzemadzimai zvikuru sei avo vaimbove varwiri verusununguko.

Nyamubaya anga ari munyori wemabhuku nenhetembo.

Mune imwe nhetembo inonzi "For Suzana" nyanduri anotaura pamusoro pekubatwa chibharo kwaiitwa varwiri verusununguko vechidzimai nevakuru vakuru muhondo yeChimurenga.

Nyamubaya ashaya achirwira kuti vaimbove varwiri verusununguko vechidzimai vakabatwa chibharo ava vabhadharwe.

Nyamubaya akaberekwa muna 1958 kuUzumba pedyo nepa Nyadiri Mission.

Akaenda kuhondo yerusunguko aine makore gumi nemashanu, uko akakwiridzirwa mumabasa ehondo kusvika pachinzvimbo cha field commander.

Nyamubaya akavamba sangano rinonzi Management Outreach Training Service for Rural and Urban Development.

Semunhu aiti pane zvinhu zvakawanda zvisina kumufadza muhondo, kusanganisira kubhinywa kwevanhukadzi, uko kwakaitikawo kwaari aine makore gumi nemashanu, Nyamubaya akanyora mabhuku anoti On the Road Again, Dusk of Dawn pamwe na Ndangariro, ose ari mabhuku enhetembo anoburitsa matambudziko anotarisana, kana akasangana nevanhukadzi munguva yehondo, uye zvinoitika muhupenyu hwavo mushure mehondo.

Nyamubaya mumwe wevanhu vakavamba Zimbabwe Writers Union, uyo anorangarirwa nekutaura pachena zviri pamoyo pake asina chinangwa chekufadza vanhu, asi kuti vazive paamire.

Mufi asiya mwanakomana mumwe chete.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG