Accessibility links

Breaking News

Kufa kwaMuzvare Nyamubaya Koburitsa Nhuna dzeMadzimai Akaenda kuHondo


Mushakabvu Freedom Nyamubaya.
Mushakabvu Freedom Nyamubaya.

Kufa kwevaimbova murwiri werusununguko, Muzvare Freedom Nyamubaya, nguva pfupi yapfuura, kwasimudza mitauro zvakare pakati pevana ve Zimbabwe nemadzimai akarwa muhondo yeChimurenga vanhu vachiti madzimai aya haasi kupihwa ruremekedzo runoenderana nebasa ravakabata munguva yehondo.

Vachinyora padandemutande ravo re Facebook, mumwe wevanhukadzi vaive muhondo yechimurenga, Muzvare Irene Zindi, vakaratidza kushungurudzika kwavo nekufa kwemumwe wavo uyo vaiva naye muhondo, Muzvare Tichaona Freedom Nyamubaya.

Muzvare Zindi vanobvunza kuti Zimbabwe yatiri kurarama mairi nhasi, ndiyo here yavakasiyira zvose kuenda kuhondo vari vana vadiki vachitsvaga rusununguko rwenyika.

Muzvare Zindi vanoti Muzvare Nyamubaya ndivo chaivo mumwe wemagamba enyika ino anokodzera kuremekedzwa zvikuru nekuti ndivo vakava mumwe wemadzimai ekutanga kunobata pfuti vari pasi paVa Perrance Shiri, vanova mukuru wemauto emuchadenga.

Muzvare Zindi vanoti muchakabvu Nyamubaya vanofanira kunge vakapihwa ruremekedzo rwegamba renyika, kwete kuitwa gamba redunhu re Mashonaland West chete.

Pfungwa dzaMuzvare Zindi dzinotsigirwawo na Amai Margaret Dongo avo vanoti madzimai akarwira rusununguko havasi kufara nekuramba vachitarisirwa pasi nevamwe vavo vava muhuremende pari zvino.

Muzvare Zindi vanoti madzimai akarwira rusununguko rwenyika aneta kuona vashoma vachidya nechiropa ivo vachinonga svosve nemuromo.

Vanoti Zimbabwe yose inofanira kunga yakagara mutambarakede kubva kupera kwakaita hondo.

Amai Florence Ndlovu, mumwe wemadzimai vakaenda kuhondo, vanotiwo pavakenda kuhondo vakaenda vachizvipira kusunungura Zimbabwe kwete kudya sana mambo vepasi pano.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi, kanawo kubva kugurukota rinoona nezvevakarwa muhondo yeChimurenga, VaChris Mutsvangwa.

Muzvare Zindi vanoti vaimbova varwiri verusununguko vazhinji, kunyaya madzimai, vari kutambudzika zvikuru vachiti zvinorwadza kuti hurumende haina chirongwa chekuvabatsira.

Amai Dongo vanoti madzimai akarwira rusunguko vava kushandiswa kupandukirana zvinoita kuti varume varambe vari ivo vakawanda muzvigaro zvenyika pasina chaitwa mukugadzirisa zviri kunetsa munyika.

Amai Dongo vanoti zvinorwadza kuti madzimai akarwira rusununguko ari kupera mumwe nemumwe vasina kunatsa kuona Zimbabwe chaiyo, iyo vakaendera ku hondo.

Vanoti madzimai aya ari kutaurirana zviri pachena kurwadziwa kwavo nekushaikwa kwechirongwa chakaita seche America inoviga magamba ayo ose pa Arlington Cemetry zvisina kuti vaiva nedanho ripi asi kuti vaiva murwiri wenyika chete.

Kudzamara izvi zvaitika, Muzvare Zindi, Amai Dongo, Amai Ndlovu nemamwe madzimai akaenda kuhondo, vacharamba vachishuwira Zimbabwe yavairota vari munguva yehondo.

Nyaya Ina Sandra Nyaira
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:08:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG