Accessibility links

Breaking News

NSSA Youdza Paramende Marwadzo eKusashanda kweEkusileni Medical Centre


Kambani yehurumende yeNational Social Security Authority, NSSA, yaudza neMuvhuro paramende kuti iri kushushikana zvikuru nekusavhurwa kwechipatara chepamusoro soro cheEkusileni Medical Centre chakavakwa nekambani iyi kuBulawayo.

NSSA inoti yakatonyorera kuhurumende ichida rubatsiro rwekuti chipatara ichi chivhurwe.

Vachipa humbowo pamberi pekomiti inoona nezvevashandi maerarano nechipatara ichi, mukuru weNSSA, VaJames Matiza, vati vaida kunge vachishandisa chipatara ichi, veZimbabwe Health Care Trust, vari kushaya mari yekushandisa chipatara ichi kwemakore gumi apfuura uye vave kuda kuti hurumende ipindire munyaya iyi.

Vati chipatara ichi chakavakwa nemari yevanhu uye chingadai chave kushanda chichibatsira veruzhinji.

Chipatara ichi chakavakwa zvichitevera chikumbiro chevaimbova mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, VaJoshua Nkomo, uye chakambovhurwa muna 2004 asi chikavharwa nebazi rezvehutano iro rakati change chine michina mitsaru.

Kubvira ipapo, veZimbabwe Health Care Trust, vachitungamirwa VaDoubt Dube, vange vari kutadza kutenga michina mitsva yekushandisa pachipatara ichi.

Vati gore rapfuura VaDube nevamwe vavo vakazivisa kuti vainge vawana mari yekutenga michina kubva kuSouth Africa uye vakakumbira mamiriyoni matanhatu emadhora semari yechikwereti yekuti vachivhura chipatara ichi.

VaMatiza vati kunyange hazvo vakapa veZimbabwe Health Care Trust chikwereti ichi, havasati vatenga michina yavaiti vakawana kuSouth Africa.

Vati ndosaka vakakumbira bazi rezvevashandi kuti richipindira panyaya iyi nekuti ivo vari kutadza kuwirirana neveZimbabwe Health Care Trust.

Vati kusafamba zvakanaka kwenyaya yechipatara cheEkusileni kwakaita kuti kambani yavo imbosiyana nenyaya dzekuvakwa zvipatara vachiti dai chipatara ichi change chavhurwa sezvainge zvakatarisirwa, vangadai vakatovaka zvimwe zvipatara munzvimbo dzakasiyana siyana munyika.

Vati kunyange veZimbabwe Health Care Trust vakatadza zvachose kuvhura chipatara ichi, vachatsvaga mamwe makambani ekushanda navo kuti chipatara ichi chivhurwe.

Vati pavakavaka chipatara ichi vaifunga kuti zvinhu zvichafamba zvakanaka sezvavakaita apo vakavaka chipatara cheChitungiwza Southmed vachishanda nemamwe makambani.

Hatina kukwanisa kutaura neZimbabwe Health Care Trust kuti tinzwe divi rayo panyaya iyi.

Zvichakadai, VaMatiza vazivisa kuti kambani yavo haikweretesi mari kuvanhuwo zvavo asi kuti inokweretesa mari kumabhanga nemakambani kana ichinge yaona zvakakodzera.

Vatiwo pamari dzavanopa kumabhanga vanopiwa zvibatiso izvo vanotengesa kana mabhanga aya atadza kudzora mari iyi.

Vatiwo kumakambani avanokweretesa mari vanotowana chavanobata vakapa semuenzaniso kambani yeRainbow iyo vati vakakweretesa mamiriyoni gumi emadhora vakanzi vabate magwaro ehotera yekambani iyi kuBulawayo sechibatiso.
XS
SM
MD
LG