Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vatatu Vokwikwidzana Musarudzo yeNkulumane By-Election


Thamsanqa Mahlangu
Thamsanqa Mahlangu

Sarudzo yemumiriri weNkulumane mudare reparamende ichaenderera mberi nemusi wa 19 Zvita wakatarwa sezuva resarudzo iyi mushure mekunge vanhu vatatu vari kuda kuita vamiriri vabudirira kunyoresa mazita avo kuNomination Court muBulawayoi.

Kunyange hazvo pange pane fungidziro yekuti bato reZanu PF richatora dunhu reNkulumane pasina anorikwikwidza, VaKillian Sibanda, avo vari kumiririra bato iri musarudzo iyi, vachakwikwidzana nevamwe vanhu vaviri vari kudawo kuve vamiriri venzvimbo iyi.

Vamwe vakwanisa kunyoresa ndiAmai Sibusisiwe Mpofu veRenewal Democrats of Zimbabwe, RDZ, pamwe naVaNgwalo Nyathi ve Progressive Democrats of Zimbabwe, PDZ.

VaSibanda vanoti vanoona mukana wavo wekukunda musarudzo idzi wakakura zvikuru. Vanoti vachashanda zvakasimba kuedza kubatsira vagari vemuNkulumane pamwe neBulawayo yose kuwana mabasa nekubatsira kumutsurudza makambani akavhara muguta iri.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaSibanda vakakunda VaDavid Ndlovu musarudzo dzebato reZanu PF dzekutsvaga anomirira bato iri musarudzo yemumiriri weNkulumane mudare reparamende.

Sarudzo iyi yakaita mutauro mukuru VaSibanda vachinzi vakabiridzira. Asi vati mutauro wakadai unowanikwa musarudzo uye vakazvipira kushanda nevanhu vose zvisinei kuti vaivatsigira here kana kuti kwete uye zvisineiwo nekuti ndeve bato ripi.

Amai Mpofu vebato RDZ inotungamirirwa naVaElton Mangoma, ndivo mudzimai ega apinda mumakwikwi aya.

Amai Mpofu vanoti vanoona vane mukana wakanaka wekukunda musarudzo iyi, vakatiwo kana vakakunda vachashanda zvakasimba kubatisra kusimudzira vagari vemuNkulumane kunyanya vana nemadzimai.

Vachipindura mubvunzo wekuti sei bato ravo rapinda musarudzo iyi apo mamwe mapato ezvematongerwo enyika ari kuramwa kupinda musarudzo nenyaya yekuda kuti mitemo yesarudzo igadziriswe, Amai Mpofu vati bato ravo rinoona kuramwa sarudzo kuri kushaisa vanhu mukana wekodzero dzavo dzekuti vasarudze vatungamiri vavanoda.

Munyori wevechidiki mubato reRenewal Democrats of Zimbabwe, VaReason Munyapwa, avo vange vachiperekedza Amai Mpofu vatsinhirawo izvi vachiti bato ravo richapinda musarudzo dzose dzichaitwa munyika

VaNyathi, avo vakambove kanzura weguta reBulawayo, vari kupindawo musarudzo idzi vachimirira bato rePDZ, inotungamirirwa naMuzvare Barbara Nyagomo avo vari kuUnited Kingdom pari zvino.

VaNyathi vatiwo vanotarisira kukunda musarudzo iyi vachiti vachashandisa ruzivo rwavo rwehukanzura kuunza budiriro muNkulumane.

Bato reZAPU iro rakakwikwidza mumaby-election akaitwa muna Chikumi rati harizi kupinda musarudzo rwendo rwuno nekuti rave kutsigirawo nyaya yekuti mitemo yesarudzo ivandudzwe.

Sarudzo yekutsvaga mumiriri weNkulumane mudare reparamende iri kuitwa zvichitevera kushaya kwaVaThamsanqa Mahlangu veMDC-T mwedzi wapera.

XS
SM
MD
LG