Monday, May 20, 2013 Local time: 19:44

Nhau

Nhengo dzeParamende Dzodaidzwa naVaMugabe Kuzoita Basa neChipiri

TEXT SIZE - +
Irwin Chifera

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vashandisa masimba avo pasi pemitemo yenyika kudaidza nhengo dzematare maviri eparamende kuti dzidzokere kubasa sezvo paine zvinhu zviri kuda kuitwa nehurumende zvinoda kutanga zvatsigirwa nenhengo dzeparamende. VaMugabe vashandisa mutemo we House of Assembly Standing Order 187 newe Senate Standing Order 194.


Nhengo dzeparamende dzinofanirwa kunge dziri mudare neChipiri kuitira kuti dzipasise zvibvumirano zvakaitwa nehurumende ne China. Paramende  yange  iri  kutarisirwa kutanga basa pakutanga kwemwedzi unouya.

Muchiziviso chavo kunhengo dzeparamende neChishanu, zvichitevera danho rakanga ratorwa naVaMugabe, munyori weparamende, VaAustin Zvoma, havana kutaura kuti zvibvumirano zvipi zvinodiwa kupasiswa nechimbichimbi. VaZvoma havana kubatika kuti vatsanangure zvizere zvavadaidzira nhengo dzeparamende.

Ukuwo mutauriri weparamende, VaLovemore Moyo, vatiwo vange vasiri muhofisi pakauuya chikumbiro chaVamMgabe  uye vachatoziva nezvezvibvumirano izvi nebasa riri kufanirwa kuitwa kana vadzoka muhofisi neChipiri.

Asi rimwe sangano rinoongorora mashandiro eparamende, reVeritas, raburitsa mashoko ekuti  hurumende iri kuda  kuti paramende iibvumire kutora chikwereti chemadhora mamiriyoni zana nemakumi matanhtu nechidimbu kubva kuChina.

Veritas inoti mari iyi inoda kushanidiswa pakuvandudzwa kwenhandare yendege yeVictoria Falls, iyo inonzi ichabatsira zvikuru pamusangano weUnited Nations World Tourism Organisation uchaitwa kuVictoria Falls gore rinouya.

Veritas inotiwo  paramende icharasikirwa nemari yakawanda uye izvi hazvaifanira kuitika sezvo  Zimbabwe neChina dzakasainirana chibvumirano ichi muna Kubvumbi.

Sangano iri rinoti hakasi kekutanga paramende ichimanikidzwa kupasisa zvibvumirano zvinenge zvaitwa nehurumende iyo isingazivi richiti izvi zvakaita zvekare gore rapfuura apo paramende yakapa mvumo kuhurumende yekutora chikwereti kuChina chekuvaka chikoro chemauto.

Dzimwe nyaya dzinotarisirwa kuzeiwa muparamende inyaya yakaunzwa mudare nemumiriri weGoromonzi North mudare reHouse of Assembly yekuti bhanga guru renyika riongororwe nyaya dzehuwori pamwe nenyaya yemukuru weShabani and Mashaba Mines, VaArafas Gwaradzimba, yekuzvidza dare reparamende.

This forum has been closed.
Comments
     
There are no comments in this forum. Be first and add one

Chirongwa

Facebook