Wednesday, May 22, 2013 Local time: 08:27

Nhau

Nhengo dzeParamende Dzoshandisa Nhabvu Senzira yeKusimbisa Kugarisana

Multimedia

Audio
TEXT SIZE - +
Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Chikwata chenhabvu chenhengo dzeparamende, cheParliament Warriors, chakundwa 5-2 nechikwata chevashandi veparamende, che Parliament FC, pamutambo watambirwa kuBelvedere Teachers College neChitatu masikati.

Parliament Warriors yashandisa mutambo uyu segadziriro yemutambo wayo neSvondo nechikwata chevakuru vezvemabhizinesi munyika.

Mutambo uyu uchashandiswa semutambo wekuvaraidza vanhu vakamirira mutambo mukuru pakati peZimbabwe Warriors ne Guinea mumakwikwi ekuenda ku 2014 World Cup  ku Brazil.

Parliament Warriors ine chinangwa chekuratidza nyika kubatana kwakaita nhengo dzeparamende, izvo zviri kukurudzirwa veruzhinji kuita, kuitira kuti munyika musave nemhirizhonga.

Nhengo yeparamende inomirira Masvingo Central, uye iri nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvemitambo, VaJeffreyson Chitando,  vanoti kunyange havo vakundwa, vari kutarisira kutamba zvakanaka pamutambo wemusi weSvondo.

This forum has been closed.
Comments
     
There are no comments in this forum. Be first and add one

Chirongwa

Facebook