Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vodya Nhoko dzeZvironda muSakubva kwaMutare


Vagari vekwaMutare vazhinji vanoti vari kudya nhoko dzezvironda sezvo hupenyu huri kuvaomera kuti vararame. Vagari ava vanoti havana mabasa uye mabasa emaoko haasi kuburitsa zvine pundutso kwavari.

Kana uchipfuura zvako nemumusha mukuru wemaMutare weSakubva, unogona kufunga kuti zvinhu zviri kufamba zvakanaka muhupenyu hwevagari.

Asi ukazotaura nevagari ava, zvinobuda pachena kuti vazhinji vavo vari kurarama nenyasha dzaShe.

Amai George Munetsi vanogara paChinyausunzi Flats muSakubva. Amai Munetsi vanoti vari kunetsekana zvikuru nekushaya mari yekubhadhara pavanogara, kuwanira vana mari yechikoro, mari yemagetsi nezvimwe.

Mumwe wevagari vemuSakubva, VaLeslie Nyamayaro, vanotiwo pari zvino vari kurwadziwa nekushaya chouviri. VaNyamayaro vanoti mabasa avo emaoko ari kusangana nezvimhingamupinyi, sezvo vachigara vashungurudzwa nemapurisa ekanzuru. Va Nyamayaro vanoti nguva yavo zhinji vanotorerwa zvavanotengesa vachipomerwa mhosva yekutengesera pasingabvumirwi.

Mumwe mugari wemuSakubva, Amai Sekai Muriwo, vanoti vari kurarama nenzira isina remangwana rakaje. Amai Murikwo vanoti makambani mazhinji muguta remaMutare akavhara izvo zvava kupa kuti vazhinji vashaye mabasa ekuraramisa mhuri dzavo.

Kutaura kuno makambani makuru anosvika gumi akavhara maMutare kubva gore rapera izvo zviri kukanganisa vanhu vazhinji vaimboshandira makambani akavhara aya.

VaStephen Manuwere mumwewo mugari wemaMutare. VaManuwere vanoti vari kutambura kuti vawanire vana vavo mari yechikoro, chikafu pamwechete nemabasa emaoko.

VaRegai Dzirutwe mugari wemuSakubva. VaDzirutwe vanoti havana cheuviri sezvo nguva zhinji zvinhu zvavanotengesa zvichibvutwa nemapujrisa.

Va Tambudzai Nasho vanogara muSakubva, uye vanotengesa mbatya dzakambopfekwa pamusika weSakubva. Vanoti bhizinesi ravo rakamira sezvo vanhu vazhinji vasina mari yekutenga zvavanotengesa.

Mazuva apo zvinhu zvichakanaka munyika makambani emaMutare aipa basa kuvanhu vanosvika zviuru gumi nezvishanu, uye vazhinji vacho vaibva mumusha mukuru weSakubva.

Makambani mashona maMutare asara achiri kushanda anosanganisira Cairns Foods, Quest Motor Corporation, Tanganda Tea uye Mutare Board neMutare Bottling Company.

Nyaya Ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG