Accessibility links

Breaking News

Chikoro cheHillcrest Chodzinga Vashandi kwaMutare


Mutare
Mutare

Chikoro chakazvimirira choga cheHillcrest kwaMutare chamisa basa vashandi vacho vanosvika makumi manomwe nevana, pakati pavo paine varairidzi makumi maviri.

Vashandi vadzingwa mabasa ava vange vachichema chema zvikuru apo vange vari pamuzinda wesangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, muguta reMutare apo vange vachipira nyaya yavo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mumwe wevashandi vakamiswa basa ava kubva musi wa24 Chikunguru, Amai Lucia Matongo, vanoti havazivi chikonzero chavadzingirwa basa uye kuti vabve pamuzinda wechikoro ichi.

Mumwe wevashandi vanga vava nenguva yakareba vachishandira chikoro ichi, VaProsper Jambaya, vanoti vakatyamadzwa zvikuru nekungonzi basa rapera pasina tsananguro izere kubva kuvakuru vechikoro ichi.

Mumwe wevanhu ava, Mzvare Patience Chisi, vanotiwo zvinovanetsa kuti vakasarudzwa seyi paruzhinji rwevamwe vashandi kunzi vanzi basa rapera.

Studio7 haina kukwanisa kutaura nevakuru vechikoro cheHillcrest College sezvo vange vachinzi vari mumusangano.

Zvichakadai, hotera yemaMutare yeMt View, yamisawo vashandi vayo vanosvika makumi maviri basa nechikonzero chekuti haichakwanisi kuvabhadharawo mari dzemihoro.

Vakuru vehotera iyi maMutare varamba kutaura neStudio 7 vachiti titaure nemuridzi wayo, VaJonathan Kadzura, avo vatisina kukwanisa kubata.

Asi VaDenford Chigweshe, avo vanomirira vashandi vemuzvikoro nemamwe masangano pasi pebazi ravo reZimbabwe Education, Scientific, Social and Cultural Workers’ Union of Zimbabwe mudunhu reManicaland, vanoti vachapikisa zviri kuitwa izvi kumatare edzimhosva.

Vashandi vanodarika zviuru gumi vakadzingwa basa mumasvondo maviri apfuura zvichitevera mutongo wedare reConstitutional Court wekuti vashandirwi vanokwanisa kudzinga vashandi kana vasisakwanise kuvabhadhara mari dzavo, kana kuvapa mwedzi mitatu yekuzivisa kuti havachadiwi pabasa.

XS
SM
MD
LG