Accessibility links

Breaking News

Vagari Vopengera Kanzuru yeMutare Iri Kuvavharira Mvura


Mutare Water Cuts
Mutare Water Cuts

Vagari vekwaMutare vanoti havasi kufara nekuvharirwa kwavari kuitirwa mvura zvichitevera kukundikana kwavo kubhadhara mari dzemvura.

Vagari vekwaMutare vanoti havasi kufara nekuvharirwa kwavari kuitirwa mvura zvichitevera kukundikana kwavo kubhadhara mari dzemvura.

VaEdgar Rusere mumwe wevagari vemuguta maMutare vakatarisana nedambudziko rekuvharirwa mvura pamba pavo uye havasi pabasa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaRusere vanoti vanotarisira kuti kana zvichikwanisika kanzuru ivabatsire nekuvapa tumabasa twekuita munharaunda dzavanogara vachibvisirwa chikamu chechikwereti chavanenge vainacho kukanzuru.

Mumwe mugari wemuguta vachigara munzvimbo yeZIMTA maMutare, VaCharles Mhere, vanoti kunyange vagari vamwe vachivharirwa, mvura iyi inouya nenguva dziri kure mudzimwe nzvimbo dzavanogara, izvo vanoti zvinovashungurudza kwazvo.

Mumwe mugari, VaTatonga Muchineripi, vanoti nyaya yekuvharirwa mvura mudzimba haina kutsarukana kunyanya apo vamwe vagari vanenge vachinyunyuta nemari dzvari kunzi vabvise sezvo vasiri kuwirirana nemachajiro ari kuitwa mvura nekanzuru.

VaMuchineripi vanoti vanoda kuti kana zvichiita kanzuru ikwanise hayo kubhadharisa vagari mari yakaringana nemvura inenge yashandiswa kwete zvavari kuita pari zvino zvekufembera fembera mvura yashandiswa nevamwe vagari.

Mumwe mugari wemuguta, VaClaris Chiruka, vanoti mvura iri maMutare inofanirwa kuwanikwa chero nguva kwete zviriko pari zvino apo inowanikwa nenguva iri kure.

Amai Memory Gono vanogara mumusha weDreamhouse maMutare.

Amai ava vanoti mvura inouya kwenguva diki mumusha uyu asi chinovashamisa inyaya yekuti mutero wayo unouya wakakwira.

Vagari vemuguta vane chikwereti kukanzuru iyi chinosvika madhora mamiriyoni makumi maviri.

Kanzuru inoti inoda mari iyi nekuchimbidza kuitira kuti ikwanise kubata zvakasiyana siyana zvinotarisirwa nevagari mumabasa ayo.

Meya weguta reMutare, VaTatenda Nhamarare, vanoti nguva yekurerutsirana yakadarika uye pari zvino kanzuru yavo inoda mari kuti zvinhu zviifambire.

Vachitaura parunhare neStudio 7, VaNhamarare vanoti vagari vanogara vachishora kanzuru yavo nekusaita mabasa nemazvo ukuwo nerumwe rutivi vasiri kubvisa mari yemitero kusanganisira yemvura yavanoshandisa zuva nezuva.

Sachigaro wekomiti yekanzuru inoona nekuzvemvura uye kutakurwa kwemarara, nekugara kwakanaka kwevanhu, VaCrispen Dube, vanoti kanzuru yavo yakaomerwa samare zvekuti vanoda kuti mabasa ekanzuru afambe nemazvo uye izvi zvinoitika chete kana vagari vakabvisa mitero yose kukanzuru.

XS
SM
MD
LG