Sunday, April 20, 2014 Local time: 18:30

Nhau / Matongerwo eNyika

Ambassador Wharton Vanosangana naVaMugabe

Ambassador Bruce WhartonAmbassador Bruce Wharton
x
Ambassador Bruce Wharton
Ambassador Bruce Wharton
TEXT SIZE - +
Ntungamili Nkomo
— Mumiriri mutsva weAmerica muZimbabwe, Ambassador Bruce Wharton, vasangana nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachizvipira zviri pamutemo.

VaWharton vanoti vachivimbisa VaMugabe kushanda nesimba mukugadzirisa kudyidzana pakati penyika yavo neZimbabwe.

Mugwaro ravaburitsa mushure mekusangana naVaMugabe, VaWharton vati vari kutsigira hukama hwakanaka pakati peZimbabwe neAmerica.

Vati  vachateerera zvido zvezvizvarwa zveZimbabwe uye kudzidza zvakawanda pane zviri kuitika muZimbabwe, vozopawo pfungwa dzavo pane zviri kuitika munyika.

VaWharton vakamboshanda muZimbabwe vari mukuru mubazi remuzinda weAmerica rinoona nezvekudyidzana neveruzhinji.

Nyanzvi inoongorora zvematongero enyika uye vachidzidizsa kuHuddersfield University muBritain, Va Nkululeko Sibanda, vanoti kudyidzana pakati peZimbabwe neAmerica kungagadziriswa kana Zimbabwe ikakoshesa kodzero dzevanhu.
This forum has been closed.
Comments
     
There are no comments in this forum. Be first and add one

Chirongwa

Facebook