Accessibility links

Breaking News

VaRutanhire Vanoti Mweya yeMagamba Asina Kuvigwa Zvakanaka Yopfukira Zanu PF


Imwe nhengo yeZanu Politiburo inoti makakatanwa ari mubato iri ari kukonzerwa nemweya yemagamba asina kuvigwa zvakanaka munyika pamwe nekuMozambique neZambia munguva yehondo.

Nhengo iyi inotiwo Zanu PF ikapedza kuradzika mapfupa emagamba ari munyika, boboto riri mubato rinopera Zanu PF ichibva yabatana zvakasimba.

Mashoko aya ataurwa pakuvigwa zvakanaka kwemapfupa emagamba kuManicaland.

Vachitaura pakuvigwa patsva kwemagamba aya, uko kwakarongwa nesangano re Fallen Heroes Trust of Zimbabwe, iro rinotungamirirwa naVaGeorge Rutanhire vachishanda nebazi National Museums and Monuments, VaRutanhire, avo vanova nhengo yePolitiburo vachibva kuMashonaland Central, vati kurwira masimba kuri kuitika mubato reZanu PF, kuri kukonzerwa nemweya yemagamba asati apihwa ruremekedzo rwekuvigwa zvine chiremera uye ruremekedzo mukati.

VaRutanhire vatiwo vane chivimbo chekuti bato ravo richaenda kukongiresi rakabatana kana rikagadzirisa nyaya yemapfupa emagamba asina kuvigwa zvakanaka.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, vatiwo hurumendee yeZanu PF inofanirwa kupa ruremekedzo kune vaimbove varwiri vehondo yerusununguko uye kuchengeta zvakanaka vapenyu nevaimbove varwiri ava

Amai Mujuru vataura mashoko aya pakuvigwa patsva kwemapfupa emagamba makumi manomwe nemumwe chete avo vakatsakatikira muhondo yerusununguko pedyo nechikoro cheHartzel mudunhu rashe Mutasa.

Mapfupa aya akawanikwa gore rino ari mumugodhi usingachashandiswi weHerbert Mine, uye zvinofungidzirwa kuti magamba aya akaurayiwa nevarungu munguva yehondo ndokunokandwa mumugodhi uyu senzira yekuviga zvavange vaita.

Amai Mujuru vati zvakakosha kwazvo kuti hurumende iremekedze magamba ayo akatisiya, vakatiwo zvakakosha zvakare kuti magamba mapenyu agare hupenyu hunoyemurika sezvo vakasunungura Zimbabwe.

Amai Mujuru vanoti zvakatora nguva yakareba magamba aya asati apihwa ruremekedzo rwekuvigwa zvine ruremekedzo nekuda kwezvimhingamupinyi zvakasiyana siyana.

Amai Mujuru, avo vari parumana nzombe mubato ravo, vanoti kunyange hazvo magamba makumi manomwe nemumwe ava vapihwa ruremekedzo rwuzere, vati vapenyu ngavabatsirwewo nehurumende.

Amai Mujuru vanoti varwiri vehondo yerusununguko vapenyu havanyanyoda zvizhinji kana vakawanirwa pekutangira zvakaita sekugoverwa minda kune vaya vasina kuyiwana.

MuZimbabwe mune dzimwe nzvimbo dzine magamba asati avigwa zvizere kusanganiriwo kuMozambique nekuZambia.

Vamwe vanyarikani vange vari pachiitiko ichi vanosanganisira, gurukota rezvemukati menyika, VaKembo Mohadi, gurukota remuhofisi memutungamiri wenyika, VaDidymus Mutasa, gavhuna weManicaland, VaChris Mushowe, munyori wezvemadzimai mu Zanu PF, Muzvare Oppah Zvipange Muchinguri, nevamiriri veparamende vane chitsama.

Nyaya Ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG