Accessibility links

Breaking News

Amai Mujuru Vokurudzira Kubatana muZanu PF


Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, vanoti vanhu vanofanira kushanda pamwe chete mubato ravo kuitira kuti Zanu PF igokwanisa kukunda musarudzo dzinotevera.

Mashoko aAmai Mujuru anotevera bopoto riri mubato ravo riri kukonzerwa nekupinda munyaya dzezvematongerwo kwakaitwa nemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe.

Vachitaura pamhemberero dzavakaita pa Dotito Secondary School mukupera kwesvondo dzekupemberera kuwana kwavakaita fundo yepamusorosoro ye degree re Doctor of Philosophy, PHD, Amai Mujuru vakaudza vanhu vaidarika zviuru zvitatu zevanhu vakange vari pamhemberero idzi kuti vanhu vanofanira kushanda pamwe chete muZanu PF kuitira kuti bato iri rigokwanisa kubudirira musarudzo dzakatarisirwa muna 2018.

Amai Mujuru vakakurudzirawo kuti vanhu vasaswere vachipedzera matombo kuzvidhii dhii idzo njiva dzichauya vachiti kutukana hakuna zvakunobatsira.

Mashoko aAmai Mujuru aya anotevera kusawirirana kuri kuramba kuchikura mu Zanu PF zvichitevera kupopota kuri kuita Amai Mugabe avo vanga vachiita misangano nevatsigiri ve Zanu PF vachikurudzira kuti Amai Mujuru vasiye chigaro chavo vachivapomera mhosva yekusagona basa pamwe nenyaya yekutengesa kuvavengi.

Zvichakadai, komiti huru ye Zanu PF pakati pemakongiresi, ye Politburo, yakabuda nechiusngo ne Chishanu chekuti munyori muboka remadzimai re Women’s League, Muzvare Oppah Muchinguri, vawunze gwaro pamusangano unotevera wekomiti iyi rinotsanangudza kuti boka ravo rakafambisa zvinhu sei pamisangano yaiitwa naAmai Mugabe.

Misangano iyi ndiyo yavaitsoropodza Amai Mujuru zvinonzi zvakonzera kuwedzera kwekusawirirana muZanu PF.

Nekune rumwe rutivi, bepanhau re Sunday Mail rakaburitsa mashoko neSvondo ekuti Amai Mujuru vari kushanda pamwe chete nehurumende ye America pamwe nenhengo dzeparamende kuti vabvise Va Mugabe pachigaro.

Asi Amai Mujuru vanoti havazofe vakatengesa nyika vachisiya ruzhinji rwe Zimbabwe rwusina chekubata.

Hatina kukwanisa kutaura nemumiriri wehurumende yeAmerica muZimbabwe, Ambassador Bruce Wharton, kuti tinzwe divi rehurumende yavo panyaya iyi.

Zvichakadai, Amai Mujuru vakakurudzira kuti veruzhinji mudunhu re Mashonaland Central vakoshese kudzidzisa vana, zvikurusei vanasikana, sezvo vachiti dunhu iri riri kusaririra munyaya dzebudiriro nepamusana pekuti vanhu vasina kuenda kuchikoro vakawandisa.

Zvichakadai, munyori anowona nezvedzidzo mu Zanu PF uye vari nhengo ye politiburo, Va Sikhanyiso Ndlovu, vakatenda Amai Mujuru nekuverenga kuti vakwanise kuwana PHD yavo uye vakati Amai Mujuru ndivo dhokotera chaiye-chaiye zvakaita kuti vamwe vaive pamusangano uyu vaone mashoko aya seekunyomba Amai Mugabe avo vanonzi havana kuwana degree ravo nenzira kwayo kunyange hazvo vachiti vakariwana zvakajeka.

Mhemberero idzi dzakapindwawo nenhengo dze Zanu PF Politiburo dzinosanganisira mutauriri webato iri, Va Rugare Gumbo, gurukota rezvehumhizha hwema computer, Va Webster Shamu, Va Munacho Mutezo pamwe nemasachigaro emapurovhinzi e Zanu PF, Va Amos Midzi ve Harare pamwe naVa Themba Mliswa ve Mashonaland West Province.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG