Accessibility links

Breaking News

VaGumbo Votaura Zvichitevera Kudzingwa muZanu PF Kwakaitwa Amai Mujuru


VaRugare Gumbo
VaRugare Gumbo

Vaimbova mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, avo vakadzingwa vachinzi vanotsigira vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, vanoti Amai Mujuru vakadzingwa neChina nekuti bato iri riri kutadza kugadzirisa mapazi aro epasi nekuti vanhu vakawanda vanotsigira Amai Mujuru.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaGumbo vanotiwo muZanu-PF hamuna munhu angamire musarudzo naAmai Mujuru muna 2018 akabudirira.

Mutauriri weZanu-PF,VaSimon Khaya Moyo, vanoti Amai Mujuru vakadzingirwa nyaya yekuda kubvisa nechisimba mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nekuita chirongwa chinonzi bhora musango chekuti vanhu vasavhotere Zanu-PF, kukurudzira zvikwata zvinorwisana mubato, huori nezvimwe.

Asi Amai Mujuru vari kuramba mhosva dzose dzavari kupomerwa idzi uye havanawo kuendeswa kumatare ebato kuti vatongwe.

Hatina kukwanisa kubata Amai Mujuru kuti tinzwe divi ravo.

Amai Mujuru vakadzingwa semutevedzeri waVaMugabe muhurumende zvicitevera kongiresi yeZanu PF yakaitwa muna Zvita.

XS
SM
MD
LG