Accessibility links

Breaking News

Rimwe Gweta Rokumbira Matare Kuti VaMugabe Vape Huchapupu muAmerica


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Rimwe gweta remuAmerica rakumbira matare edzimhosva munyika iyi kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vape huchapupu pavhidhiyo apo vachange vari muAmerica kutanga musi 17 Gunyanya.

Rimwe gweta remuAmerica rakumbira matare edzimhosva munyika iyi kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vape huchapupu pavhidhiyo apo vachange vari muAmerica kutanga musi 17 Gunyanya.

Gweta iri, VaMichael Leonard, riri kumirira mumwe murume wekuChicago, VaGregory Turner, avo vakawanikwa vaine mhosva yekutyora mutemo weAmerica nekuyedza kubatsira VaMugabe nevamwe vakuru muhurumende yavo kuti vabvisirwe zvirango zvavakatemerwa neAmerica.

Zvirango izvi zvakatemerwa VaMugabe nevamwe vavo mugore ra 2003 vachipomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu.

Asi VaMugabe vanoti vakatemerwa zvirango izvi nekuti vakatorera vachena ivhu vachipa vatema.

VaLeonard vanoti vanoda kuti VaMugabe pavanouya kumusangano weUnited Nations General Assembly musi wa17 Gunyana, vanofanira kuti vape huchapupu pavhidhiyo.

VaTurner vari kupomerwa mhosva yekupihwa nehurumende yaVa Mugabe mari inosvika mamiriyoni matatu nemazana mana ezviuru zvemadhora.

Dare remuAmerica harisati rapa mutongo waro pachikumbiro chava Leonard.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri waVaMugabe, VaGeorge Charamba, sezvo vange vasingadaire nharembozha yavo.

Asi vamwe vakuru muhofisi yemuchuchusi mukuru wehurumende vanoti magweta aVaTurner ari kutambisa nguva nekuti pasi pemitemo yeGeneva Convention, VaMugabe kana vari kumuzinda weUnited Nations havasungirwe kuti vange vachibatwa nemitemo yeAmerica nekuti kunyange muzinda weUnited Nations uri muNew York, unotorwa senzvimbo yakazvimirira.

Mumwe aishanda naVaTurner, Prince Asiel Ben Israel akatobatwa nemhosva imwe cheteyo mwedzi wapera akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi minomwe.

Vaviri ava vanonzi vakatatombopihwa mari inosvika zviuru makumi mapfumbamwe zvemadhora nevaiva gavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono.

Hatina kukwanisa kubata VaGono kana VaLeonard kuti tinzwe mativi avo.

Muzvinafundo Lovemore Madhuku inyanzvi munyaya dzemitemo paUniversity of Zimbabwe uye vachitugamira bato rinopikisa reNational Constituonal Assembly, vanoti matare emuAmerica haana simba rekumisa VaMugabe mumatare nekuti vanochengetedzwa nemitemo.

XS
SM
MD
LG