MASVINGO —
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti havasi kuzoshandura mafungiro avo, kana hunhu hwavo, nokuti zvizhinji zvavanoita zvinhu zvinenge zviri zvinodiwa nevana veZimbabwe.
VaMugabe vataura mashoko aya pamabiko oekecherechedza kusvitsa makore makumi mashanu kwechikoro cheBondolfi Mission kuMasvingo.
Vachitaura semunyarikani paBondolfi Mission, VaMugabe vanoti havasi kuzochinja maitiro avo nokuti zvose zvavanoita, zvinenge zvine zvinangwa zveveruzhinji.
Kunyange hazvo VaMugabe vasina kutaura kuti pfungwa dzavo dzavati havasi kuzosandura ndedzipi, zvabuda pachena kuti vanga vachireva kutara kwavakaita zuva resarudzo munyika, uko kuri kupikiswa nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutungamiri weMDC diki, VaWelshman Ncube.
Sazvavanoita nguva zhinji pamisangano yakadai, VaMugabe vatsoropodza nyika dzokumadokero pamwe neAmerica vachiti nyika idzi ndidzo dzakakonzeresa kufa kwevaimbova mutungamiri we Iraq, VaSaddam Hussein, pamwe nevaimbova mutungamiri weLibya, VaMuammar Gadhafi