Accessibility links

Breaking News

Amai Grace Mugabe Havana Chiremera Chaiva naMuchakabvu Sally Mugabe?


Amai Grace Mugabe
Amai Grace Mugabe

Veruzhinji munyika pamwe nevanoongorora zvematongerwo enyika vanoti maitiro emudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, anoratidza pachena kuti amai ava vave kuda chigaro chepamusoro soro munyika chekutungamira nyika sezviri kuitwa nemurume wavo.

Vanoti zvaitwa naAmai Mugabe kubva pavakapinda munyaya dzezvematongerwo enyika gore rapfuura, zvinoratidza pamire pfungwa dzavo uye zvinoratidza sekunge murume wavo, VaRobert Mugabe, ndivo vari kuvapa makomborero ekuita zvinhu pamadiro munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Kunyange hazvo vasiri muhurumende, Amai Mugabe vanoita sevave muhurumende uye makurukota ehurumende ave kutovatevera pese pavanenge vari.

Mumwe mugari wemuHarare, VaFredrick Tongai, vanoti vanoona sekuti VaMugabe vakura uye vave kugadzirira kuti mudzimai wavo achibata matomu.

Asi bumbiro remitemo yenyika haribvumidze VaMugabe kupa munhu matomu, kusanganisira mudzimai wavo.

Asi vamwewo vakaita sa Nenyasha Moyo wekuChitungwiza vanoti Amai Mugabe munhu asina hudzamu kana chiremerera chekuti vanganzi vangatungamira nyika.

Mukuru wesangano reZimbabwe Democracy Insitute, VaPedzisai Ruhanya, vanoti Amai Mugabe vaita mutete panyaya dzekutungamira nyika.

Vanotiwo Amai Mugabe munhu asina chiremerera kana vachienzaniswa nevamwe vakambotungamira madzimai mubato iri vakaita saAmai Joice Mujuru, Amai Oppah Muchinguri Kashiri pamwe vaimbove mudzimai wemutungamiriri wenyika, mushakabvu Amai Sally Mugabe.

Asi vachitaura pamusangano wekuongorora zviri kuitwa naAmai Mugabe kuti zvinomborevei wakarongwa neSouthern Africaan Political Economy Series, nhengo yeNational Assembly yeMDC inotungamirirwa naVaWelshman Ncube, Amai Priscilla Misiharambwi Mushonga, vakati zviri pachena kuti Amai Mugabe vatove pachigaro chamambo uye ivo nemurumwe wavo ndivo chete vanoziva zviri kuitika.

Amai Mushonga vakati VaMugabe havazikanwe marongero avo zvekuti kana vari mubato ravo chaivo havazivi zvavanoronga uye Amai Mugabe vanogona kutopinda pachigaro zvisinei nezviri kutaurwa nevanhu.

Vanoongorora zvematomgerwo enyika vari mudzidzisi pachikoro cheGreat Zimbabwe University, VaJoel Mukusha, vanoti munhu wese muZimbabwe zvikuru sei avo vane zvigaro mumapato ematongerwo enyika vanogona kutora chigaro chekutungamira nyika.

Vanoenderera mberi vachiti mabasa ari kuitwa nemudzimai wemutungamiri wenyika akaita sekuchengeta nherera kuchikoro chavo kuMazowe ndezvimwe zvinoitawo kuti vaoenekwe semutungamiri akakanaka.

Mazuva ano Amai Mugabe vari kufamba nenyika yose vachiita misangano pamwe nekugovera vanhu zvinhu zvekurimisa zvakaita sematirakita nembeu izvo zvakatengwa nehurumende nemari yechikwereti yakabva kuBrazil pasi pechirongwa cheAfrica Food Programme.

Kunyange hazvo Amai Mugabe vachionekwa semunhu akabudirira munyaya dzekurima nekupfuya mombe dzemukaka, nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika nezvehupfumi dzinoti chokwadi chiripo ndechekuti amai ava nemurume wavo vakapamba mombe nemapurazi evachena pasina kana peni ravakabvisa.

Mapurazi aya anosanganisira Gushungo Dairies, Iron Mask, Sigaru Farm, Gwebi Wood, Leverdale ne Bassiville ari kuMazowe, kotiwo Highfield, Cressydale, Tankatara, Clifford ne John O’Groat Farm kuNorton, Gwina Farm kuBanket, pamwe neGushongo Estates kuDarwandale.

Amai Mugabe nemurume wavo vane mapurazi gumi nemana ane mahekita anodarika zviuru gumi nezvitanhatu, mapurazi ose aya akabvutirwa varimi vechichena.

XS
SM
MD
LG