Accessibility links

Breaking News

"Hakuna Kwandinoenda," VaMugabe Vanoudza Vari Kurwira Chigaro Chavo muZanu PF


President Robert Mugabe with his two deputies, Phelekezela Mphoko (L) and Emmerson Mnangagwa (R). Collage by Ntungamili Nkomo
President Robert Mugabe with his two deputies, Phelekezela Mphoko (L) and Emmerson Mnangagwa (R). Collage by Ntungamili Nkomo

Mutungamiri webato reZanu PF, VaRobert Mugabe, vaudza musangano webato ravo wepagore kuVictoria Falls neChishanu kuti nyaya yekurwisana mubato yasvika pakaipa uye vanoti vechiuto, mapurisa pamwe nevasori vave kupindira munyaya dzebato ravo.

VaMugabe, mumashoko avo aburitswa paterevhizeni yeZimbabwe Broadcasting Corporation, vaudza nhengo dzebato ravo kuti dzisiyane nekurwira chigaro chavo nekuti havana kwavari kuenda.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaMugabe vati nhengo dzebato dzave muzvikwata zvakasiyana siya zvinotsigira vanhu vakasiyana uye izvi hazvina kunaka sezvo zvichikanganisa musangano.

Vati nhengo dzemusangano dzinofanira kubatana dzoshanda pamwe chete zvisinei kuti dzakaenda kuhondo here kana kuti kwete vachiti nhengo dzese dzebato iri dzakafanana uye dzinofanira kushanda pamwe chete.

Vatedzeri vavo vanoti VaEmmerson Mnangagwa vanofungidzirwa kuti vanotungamira chimwe chikwata chiri kuda kutora masimba kuna VaMugabe kozotiwo VaPhelekezela Mphoko vari kune chimwe chikwata chinotsigirwa nemudzimai waVaMugabe, Amai Grace Mugabe.

VaMugabe vashorawo huwori munhengo dzebato ravo vachiti vanozviziva kuti vari kuda mari dzakawanda kudarika mari chaidzo dzinenge dzichifanira kubhadharwa pazvirongwa zvakasiyana siyana.

Vati izvi zvakabuda pachena pakauya mutungamiriri weChina, VaXi Jinping, avo vakavaudza kuti vanoda kutsigira zvirongwa zvebudiriro muZimbabwe asi vanoda kushanda nevanhu vakavimbika vasina huwori.

VaMugabe vati vachabatwa vachiita huwori vachakandwa mutirongo.

Mumwe mugari wemuHarare, VaMalvin Mkudu , vati kubvuma kwaita VaMugabe kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka mubato ravo kunoratidza kuti vanoda kuti kugadziriswe.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika, VaPride Mukono, vanoti hapana zvizhinji zvabuda mumashoko aVaMugabe sezvo zvagara zvichizivikanwa kuti vanhu vari kurwira zvigaro mubato reZanu PF.

Mutauriri webato reMovement for Democractic Change inotungamirirwa naProfessor Welshman Ncube, VaKurauone Chihwai, vati kurwisana kuri muZanu PF kunopa mapato anopikisa mukana wekutora masimba musarudzo dzemuna 2018.

VaMugabe vati musangano wekuVictoria Falls hausi wekuchinja hutungamiriri asi kuti ndewekuongorora mashandiro ari kuita bato pamwe nemabasa ehurumende.

XS
SM
MD
LG