Accessibility links

Breaking News

Masangano Oronga Kukwidza Hurumende kuMatare Kana Ikasagadza Komisheni yeRunyararo


Masangano akazvimirira muZimbabwe anoti hurumende inofanirwa kugadza komisheni inoona nezverunyararo nekuregererana munyika kuitira kuti igadzirise zvinhu zviri kunetsa munyika.

National Peace and Reconciliation Commission iri mubumbiro remitemo yenyika rakatambirwa makore maviri apfuura.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vachitaura pamusangano waitwa neChipiri muHarare, masangano anoti reZimbabwe Human Rights NGO Forum, Zimbabwe Center for Community Development, Zimbabwe Civic Education Trust ne Heal Zimbabwe Trust, ati achakwidza nyaya iyi kumatare kana mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakaramba vakanyarara nenyaya yekugadzwa kwekomisheni iyi.

Nhengo yeZimbabwe Human Rights NGO Forum, VaShastry Njeru, vanoti hurumende inofanirwa kutevedzera zviri mubumbiro renyika nekuzadzikisa zviga zvirimo kusanganisira kugadza komisheni yerunyararo iyi.

Mukuru weZimbabwe Civic Education Trust, Muzvare Gladys Hlatshwayo, vanoti havawirirane nepfungwa dzekuti kushaikwa kwemari ndiko kuri kutadzisa kutanga kushanda kwekomisheni iyi, vachiti uku kungoshaya hany’a kwevatungamiriri venyika…

Mumwe anga ari pamusangano uyu, VaRashid Mahiya veHeal Zimbabwe Trust, vatiwo chiri kuwedzera mhirizhonga muZimbabwe inyaya yemapazi ehurumende anoda kuita zvematongerwo enyika uye asingaiti basa ravo nemazvo

National Peace and Reconciliation Commission yakapiwa makore gumi chete mubumbiro remitemo yenyika kubva zvakatanga kushanda bumbiro iri mugore ra2013.

Vemasangano akazvimirira vanoti pasina runyararo hakuna budiriro inoitika munyika.

XS
SM
MD
LG