Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yoita Kongiresi Yakapatsanuka


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Mutungamiri wenyika vari zvakare mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, vanoti vari kuita kongiresi kekutanga bato ravo rakapatsanuka.

VaMugabe, avo vave kusvitsa makore makumi mapfumbamwe nerimwe muna Kukadzi gore rinouya, vati kupatsanuka kwebato kwaitika zvichitevera hurongwa hwekuda kuvabvisa pachigaro hwaida kuitwa nemutevedzeri wavo, Amai Joice Mujuru, vachishanda nechikwato chavo icho vati chinosanganisira vamwe vakuru mubato iri vakaita semunyori wezvemabasa ebaso, VaDidymus Mutasa.

Muzanu PF mune manga muine makakatanwa ekurwira masimba pakati pechikwata chinotsigira gurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa nechinotsigira Amai Mujuru.

Asi nemamiriro aita zvinhu chikwata chaVaMnangagwa ndicho charatidza kuva nemasimba sezvo chiri kutsigirwa naVaMugabe nemudzimai wavo, Amai Grace Mugabe.

Vachitaura pamusangano weCentral Committe wekugadzirira kongiresi, VaMugabe vanoti vaifunga kuti nhengo dzebato ravo dzakabatana asi zvakaitwa naAmai Mujuru nechikwata chavo zvakavaratidza chose kuti nhengo dzebato iri hadzisi kushandira pamwe.

Vatiwo zvaitwa naAmai Mujuru nevamwe vavo vakaita sevaimbove mutauriri webato, VaRugare Gumbo naVaMutasa, zvakapatsanura nhengo dzebato iri.

VaMugabe vati Amai Mujuru nechikwata chavo vange vakazvipira kuvabvisa pachigaro vakati vaienda kudzin’anga pamwe nekumapositiori kuti vakwanise kutora masimba. Vatiwo vange vakazvipira kana kuvauraya chaiko. Vati Amai Mujuru vakatomboenda kwaMarange vachida kupihwa masimba asi zvikaramba.

VaMugabe vati Amai Mujuru nechikwata chavo havana kukwanisa kupinda mumusangano weChitatu nekuda kwezviito zvavo.

Vatiwo vanhu vakasununguka kukwikwidza zvigaro muZanu PF uye bato ravo harisi kuzofa rakarega vanhu vachitora zvigaro nenzira dziri kunze kwemutemo.

Asi kunyange hazvo VaMugabe vataura mashoko aya, bato ravo riri kuronga kushandura bumbiro pakongiresi kuitira kuti pasaitwa sarudzo asi kuti ivo semukuru webato iri vadome vanhu vavanoda kushanda navo.

Vatiwo Amai Mujuru vari kushanda neMDC nenyika dzakaita seAmerica nenyika dzemu Europe mushure mekunge vavimbiswa kuti nyika idzi dzaizopa Zimbabwe mari yakawanda chose uye izvi hazvienderani nemafungiro ebato ravo.

VaMugabe, avo vava kugara vachienda kunyika dzekumabvazuva vachinorapwa sezvo vava mukweguri, vatiwo vanhu vanoda zveAmerica neEurope vanofanira kuenda kunyika idzodzo kwete kushanda nenyika idzi vari muZanu PF.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna Amai Mujuru pamwe naVaMutasa.

VaMugabe vati kongiresi icharonga remangwana rebato ravo pamwe nekushandura mitemo nemashandiro ebato iri.

Nyanzvi munyaya dzezvebumbiro remitemo dzinoti zviri kuitwa neZanu PF naVaMugabe zvinodzosera shure hutongo hwejechetere.

Zvichakadai, muzinda we Zanu PF pamwe nenzvimbo ichaitirwa kongiresi, zvakachengetedzwa zvakanyanya nemasoja nemapurisa sezvo zviuru zvevanhu vachapinda mumusangano uyu zvatanga kusvika muHarare.

VaMugabe vanotarisirwa kuvhura musangano uyu zviri pamutemo neChina uye uchaitwa kusvika nemusi weMugovera.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG